Uncategorized

8 vakaba chitunha

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

. . . nacho kubhawa tande

CHIKWATA chevanhu vasere vekuChitungwiza nekuBeatrice – avo vakaita mashura ekutora chitunha chemunhu, kwava kutenderera nacho mumaraini nemumabhawa umo vaitorera vanhu doro – chakapihwa chirango chekugara mujeri kwegore rose.

Vasungwa vanoti Tendai Pise (24), Patience Mafunganzira (25), Ishmael Mandipanga (22), Stanely Charura (27), Brendon Simon (21), Rumbidzai Manyika (21), Stewart Jameson (23) naLovemore Chabhara (27) svondo rino vakamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, Yeukai Chigodora.

Vakatongerwa mhosva yekuba uye kutora chitunha zvisiri pamutemo (Theft and Unwaful taking of Corpse).

Vose vanoramba mhosva asi umboo huzere hwakavaroverera.

Pakutanga, mutongi Chigodora akanga apa vasungwa vasere ava chirango chekunogara mujeri kwemakore mana achibva azobvisa makore maviri pachirango ichi paine chitsidzo chekuti havafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Rimwe gore rakabviswa zvakare nechitsidzo chekuti vanofanira kudzorera vamhan’ari vaviri vavakabira $44 uye mumwe wacho $200 yake.

Mumwe nemumwe wavo achapika gore mujeri.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti chikwata ichi chakashaya ruremekedzo nemufi, Tinashe Pise, apo vakatora mutumbi wake vakaenda nawo kubhawa pasina mvumo yehama dzake.

Anoti munguva dzemanheru nomusi wa28 Kukadzi gore, vasungwa vasere ava vakaita mushandirapamwe ndokuenda paTawanda Business Centre vaine bhokisi raive nemutumbi waPise.

Vakaenda muBwanya Bottle Store vachibva vaisa bhokisi rine mufi riye pamusoro petafura inotambirwa mitambo yesinuka.

Mumhosva yepiri, vasungwa ava vakasiya varova Primrose Kweshilanji uyo anoshanda mubhawa iri vachiti vaida doro remahara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey