Uncategorized

80 vakasungirwa ma’kaylite’

19 Nov, 2019 - 17:11 0 Views
80 vakasungirwa ma’kaylite’ Melody Frank achiratidza ndiro dzemhando yePET nePP dzavanogadzira.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), rinoti nguva pfupi ichangodarika rakasunga vanhu vanodarika 80 muguta reHarare nemhosva yekushandisa ma”kaylite” ayo akarambidzwa kushandiswa nekuda kwekuti anonzi anokonzera zvirwere zvegomarara.

Midziyo yekudyira inogadzirwa neinonzi “nepolystyrene” iyo inosanganisira ma”kaylite” yakarambidzwa kushandiswa neHurumende asi kune vamwe vachiri kuishandisa kupakurira veruzhinji zvekudya.

Kwayedza svondo rino yakamema munzvimbo dzinobikwa nekutengeswa chikafu cheveruzhinji sekuMbare, kuNorton nekwaMereki, kuWarren Park, paMakoni, kuChitungwiza, ndokuona kuti ma”kaylite” achiri kushandiswa zvakanyanya.

EMA iri kukurudzira veruzhinji kuti vashandise ndiro nemagaba ekuisira chikafu izvo zvakagadzirwa nemhando ye”polythylene telephthalate” (PET) uye “polypropylene plastic” (PP) vachisiyana ne”polystyrene” iyo inonyanya kuzivikanwa nekuti “kaylite” nekuti imhosva huru pamutemo wakadzikwa neHurumende uyo unorambidza izvi weStatutory Instrument 84 of 2012.

VaGilbert Mugunzva, avo vanova environmental management inspector kuEMA, vanoti yava mhosva inoendesa kujeri kana vanhu vakawanikwa vachiri kushandisa midziyo ye”polystyrene” kana “kaylite” sezvo achikonzera zvirwere zvegomarara.

“Takatosunga vanhu vanodarika 80 muguta reHarare nekuda kwemhosva yekushandisa makaylites. Mutemo weSI 84 of 2012 unorambidza kugadzira uye kutengeswa kwepolystyrene iyo inonyanya kuzivikanwa nezita rekuti kaylites zvisinei nekuti vamwe vanhu vachiri kungoramba vachidana mhando itsva yePET nePP vachiti kaylites sezvo iri mhando yavakashandisa kwenguva refu. Panotoda dzidziso kuti vanhu vazive zita idzva remudziyo mutsva wava kutenderwa kushandiswa uyu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Kaylite yakarambidzwa nekuti inokonzera zvirwere sezvo purasitiki racho riine mikana yekunyungudika richisangana nekudya, marara acho haakwanise kubikwa patsva achigadzira mimwe midziyo nekudaro zvinosvibisa nharaunda zvakanyanya sezvo achingoraswa pese-pese achisvika pakuvhara mwena nemapombi anofambisa mvura uye kukonzera gomarara.”

Vanokurudzira veruzhinji kuti varambe kutengeserwa chikafu chakaiswa muma”kaylite” nekuti vanenge vachiisa upenyu hwavo parumananzombe.

Zvichakadai, kuchine mamwe makambani achiri kugadzira mhando yema”kaylites” vachitengesera veruzhinji nerweseri nemitengo uri pasi.

“Tinotoda mhando iyoyo yemakaylites anogadzirwa nepolystyrene nekuti akareruka pamutengo. Zvino anogadzirwa nemhando itsva inonzi ndiyo inotenderwa ePET nePP anodhura kureva kuti ndinenge ndava kutofanira kudhurisira vatengi vangu pachikafu chandinotengesa pano.

“Pamwe pacho tinotoshandisa mapurasitiki chaiwo kuisira makasitoma edu sadza nekuti zvinhu zvakatiomera. Ko iwo makaylites acho anongorambidzwa munyika muno chete sei kana kune dzimwe nyika achiri kushandiswa?” anodaro Susan Maoni (34) uyo anobika zvekudya achitengesa paMereki, kuWarren Park.

Munguva pfupi yadarika, EMA yakamema mumwe muzinda unoshandisa marara emapepa vachiabika patsva vachizogadzira midziyo yakasiyana, wePlanas Pvt, muHarare, apo vakakurudzira kushandiswa kwePET nePP mukugadzira midziyo inoshandiswa nevanhu mudzimba nemumakambani.

Muzvare Melody Frank, avo vanova sales manager wePlanas, vanoti vaimbogadzira makaylites asi kubvira pazvakarambidzwa neHurumende, vakabva vamira zvachose ndokutanga kugadzira PET nePP.

“Tiri kambani huru inoda kuchengetedza chimiro chayo neutano hweveruzhinji zvekuti veEMA vanogara vachiuya vachimema nekuona mashandiro edu nokudaro tinotevedza zvinodiwa neHurumende pamwe nemitemo yenyika.

“Pazuva, tinogadzira maPET nePP anodarika 2 miriyoni zvose zvichibva mumarara,” vanodaro.

Kune makambani akawanda uye vamwe vanhu vakazvimiririra vari kupunduka nekunhonga marara angava mabhodhoro edoro, epurasitiki, ezvinwiwa nezvimwe vachitengesa zvichinobikwa patsva.

EMA inokurudzira veruzhinji kuti vasarudze nzira kwadzo dzekurasa marara dzakadai sekuaisa mumabhini, kupatsanura anowora kubva pane asingawori apo anowora achikwanisa kupiswa kana kuchererwa pasi kana kuendeswa kumakambani anobika zvinhu patsva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>