800 000 vozviuraya

11 Dec, 2019 - 11:12 0 Views
800 000 vozviuraya Dr Rwafa-Madzvamutse

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vanodarika 800 000 munyika dzichiri kusimukira vanonzi vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwekurwara nepfungwa apo vanozviuraya nenzira dzakaita sekuzvisungirira, kutora muchetura kana kuzvipfura nepfuti.

Mashoko aya akataurwa naDr Chido Rwafa- Madzvamutse, avo vanova deputy director weMental Health Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana kwaMutare svondo rapera pachirongwa chekufundiswa kwevatori venhau pamusoro peutano hwenjere nekupangwa mazano kweveruzhinji.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reRegional Pyschosocial Support Initiative (REPSSI).

“Vanhu vanodarika 800 000 munyika dzichiri kusimukira vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwekurwara nepfungwa apo vanotora upenyu hwavo nekuzvisungirira, kunwa muchetura kana kuzvipfura nepfuti. Zvakaonekwa zvekare kuti madzimai ndiwo akawanda mukutora upenyu hwavo kana zvichienzaniswa nevarume.

“Kutora zvinodhaka ndiro rimwe dambudziko guru rinounza kurasika kwenjere,” vanodaro.

Vanoti kushaya hanya nebonde rimwe rematambudziko anounzwa nekuda kwekurwara nenjere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey