800 vodzidza patsva

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
800 vodzidza patsva Hurumende yakavamba chirongwa cheEducation Community Outreach Programme mugore ra2017 nedonzvo rekuti mwana wose awane kodzero yekudzidza.

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
VANA vanodarika 800 avo vakange vambomira kuenda kuchikoro kudunhu reMashonaland West nekuda kwezvikonzero zvakasiyana vave kudzidza zvakare zvichitevera kuparurwa kwechirongwa cheEducation Community Outreach Programme kubvira gore ra2017. Chirongwa ichi chakanangana nekugadzirisa zvimhingamipinyi zvinotadzisa vana kudzidza, kusimudzirwa kweNew Curriculum uye kuti vana vabudirire mufundo yavo.

Vachitaura pamusangano wemapoka akasiyana kuChinhoyi nguva pfupi yadarika, vakafanobata chigaro chemukuru wezvedzidzo kuMashonaland West, VaGabriel Mhumi, vanoti kuparurwa kwechirongwa cheEducation Community Outreach Programme muna 2017 kwawanisa vana 809 vakange varegera chikoro mukana wekuti vadzidze zvakare.

“Mushure mekuona kuti paive nezvimhingamipinyi zvine chitsama zvaitadzisa vana kuenda chikoro, Hurumende yakavamba chirongwa ichi nechinangwa chekuti mwana wose awane kodzero yekudzidza,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, Mashonaland West provincial educational psychologist, VaCephas Shanyurai, vanoti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda pamwe chete nemasangano akasiyana uye nemamwe mapazi eHurumende muchirongwa ichi gore rino.

Izvi, vanodaro, zvichabatsira kusimudzira kudyidzana kwakanaka pakati penharaunda nemamwe mapoka.

“Chirongwa ichi chinopa mukana wekuti vanhu vadyidzane nemasangano akasiyana pamwe nemapazi eHurumende munyaya dzine chekuita nedzidzo nezvimwe zvinovabatsira,” vanodaro.

Mamwe masangano ari kutarisirwa kushanda neHurumende muchirongwa ichi anosanganisira National AIDS Council iyo ichange ichipa dzidziso yeHIV neAIDS kune veruzhinji.

“Vamwe vana vari kurarama neHIV vari kutadza kuenda kuchikoro nekutya nyaya dzerusarura saka zvakakosha kutaura nyaya dziri maringe neHIV neAIDS nevanhu vemunharaunda.

“Madhumeni achange arimo zvakare muchirongwa ichi.

“Basa ravo nderekupa mazano kuvabereki pamusoro pembeu dzavanogona kudyara idzo dzinoibva nekukasika mumwaka wekunaya kwemvura shoma uye kuti vaone kuti vana vavo vawana chikafu chinovaka muviri.

“Ongororo inoratidza kuti vana vanodzidza vaine nzara vanokundikana kufunda zvakanaka.”

Vanoti chikamu chemapurisa eZimbabwe Republic Police cheVictim Friendly Unit (VFU) chichange chichikusha ruzivo maringe nenyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vachiri vaduku, kushandiswa kwevana mumabasa akasiyana pamwe nekumbunyikidzwa uye sangano reFACT richange richitaurawo pamusoro pekuti izvi zvose zvinokanganisa sei kudzidza kwevana.

Muna 2017, chirongwa ichi chakabatsira vanhu 32 926 munyika yose, kusanganisira vana vechikoro 18 662.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey