Uncategorized

81 vafa neCovid-19

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
81 vafa neCovid-19 Dr Mahomva

Kwayedza

Tandayi Motsi
ZIMBABWE kusvika pari zvino yafirwa nevanhu 81 nekuda kwechirwere cheCovid-19 kubva pachatanga kuonekwa munyika muno nemusi wa20 Kurume gore rino.

Munhu wekutanga kufa nechirwere ichi ndiZororo Makamba uyo aiva mutori wenhau uyo akafa nemusi wa23 Kurume.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti pakatanga Covid-19 muZimbabwe, kwaigona kupera kana masvondo maviri pasina munhu afa nechirwere ichi izvo zvasiyana nezviri kuitika pari zvino.

Iye zvino vanhu vari kufa vanogona kuve pakati pemumwe kana kudarika gumi pazuva rimwe chete.

Semuenzaniso, magwaro ebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti vanhu 14 vakafa neCovid-19 kubva musi wa26 Chikunguru kusvika 31 Chikunguru.

Zvichireva kuti vose ava vakafa mukati memazuva matanhatu chete.

Nemusi weMuvhuro uno, bazi iri rinoti vanhu 10 vakafa neCovid-19 mushure mekunge vamwe 12 zvakare vafa neChina chadarika.

Pavanhu 10 vakafa nemusi weMuvhuro, vasere vavo ndevemuHarare vanoti vanhurume vana (4) nevamwe vana (4) zvakare vanhukadzi kuchizoti vamwe vanhurume vaviri vekuManicaland.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kukwira zuva nezuva kusiyana nenguva yadarika pachakanyuka.

Bazi rezveutano rinoti kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 4 221 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa munyika yose.

Pahuwandu uhu, 1 238 vakatonaya.

Vanhu vakawanda vave kuwanikwa vaine chirwere ichi kana zvichienzaniswa nenguva yadarika.

Chimwe chezvikonzero chiri kuita kuti zvidaro — sekutaura kwemukuru anoona nezvezvirongwa zveCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, Dr Agnes Mahomva — kuti vanhu vava kuvhenekwawo chirwere ichi pazuva vawedzerawo kana zvichienzaniswa nakare.

“Zvinhu zvatakagara tichitarisira kuti zvichaitika, asi zvinosuwisa. Ticharamba tichigadzirira kuitira kuti tirwise denda iri. Chava kungodiwa bedzi kuti vanhu tirarame upenyu hutsva — kupfeka iwo mamasiki aya, tichishambidza maoko edu nesipo zvekuchena, kusakwazisana nemaoko uye vanhu vorega kuungana nekuita chitsokotsoko,” Dr Mahomva vakaudza Kwayedza nguva yadarika.

Pakatanga Covid-19 munyika muno, kwaigona kupera svondo pasina awanikwa aine chirwere ichi asi pari zvino zvinhu zvasanduka.

Semuenzaniso, mwedzi uno wakatanga zvakaipisisa sezvo neMugovera uyu bedzi, vanhu 490 vakabatwa chirwere ichi apo vazhinji vavo (485) vagara vari muno kuchiti vamwe vashanu vainge vabva kuSouth Africa.

Musi iwoyu kwakafa vanhu vaviri.

Vari kunyanya kubatwa neCovid-19 vanhu vagara vari munyika muno kusiyana nakare apo vakawanda vavo vaibva kunze kwenyika, zvikuru kuSouth Africa.

Pavanhu 4 221 vawanikwa vaine Covid-19 kusvika neChipiri chino, 3 128 vavo ndevagara vari muno (local cases) kuchiti vamwe 1 093 ndivo vakabva nayo kunze.

Zvimwe zvinonzi zviri kuita kuti vakawanda vemuno vawanikwe vaine Covid-19 inyaya dzevanhu vanopinda munyika muno vachibva kunze nenzira dzisingatenderwe, vonosangana nemhuri dzavo kana neruzhinji apo vanenge vasina kuvhenekwa nevebazi rezveutano.

Vamwewo nharadada ndevaye vanotiza kunzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vanobva kunze kwenyika, voguma vanozadza vanhu vemuno avo vange vagara vasina denda iri.

Ndokusaka Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vamhan’are vose vavanofungidzira kuti vakabva kunze kwenyika, asi havana kuuya negwara rinotenderwa uko vanopihwa magwaro ekuti havana Covid-19.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ose aya nedonzvo rekuedza kumisa kupararira kweCovid-19

Mamwe matanho anosanganisira kuti veruzhinji vasafambe kubva nenguva dza6 kumanheru kusvika na6 dzemangwanani uye vanoita mabasa akakosha chete ndivo vari kutenderwa kuenda kumushando.

Pamusoro pezvo, vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare vakapfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinosangana veruzhinji uye kuti vasaite chitsokotsoko.

Kuita hutsanana sekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka nguva nenguva zvinonziwo zvinoderedza mikana yekubatwa neCovid-19.

Covid-19 handi jee!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>