86 vodzidziswa nemabhezari

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VADZIDZI 86 vari kuita A-Level nevekuyunivhesiti vekumatunhu akasiyana enyika svondo rapera vakawaniswa mabhezari nekambani inogadzira zvinwiwa yeDelta Corporation.

Mabhezari aya ari kuitwa pasi pechirongwa cheBoost Fellowship uye akavambwa mugore ra1996.

Vamwe vevadzidzi vakabatsirika muchirongwa ichi vakatopinzwa mabasa neDelta Corporation.

Vachitaura pazuva rekupangwa mazano kuvadzidzi ava muguta reHarare, Muzvare Patricia Murambinda vanova corporate affairs executive kuDelta Corporation vanovakurudzira kuti vashandise mukana uyu nemazvo.

“Munofanira kukoshesa mukana uyu nekuti kune vamwe vakakundikana kuuwana. Dzidzo ndiwo musimboti weupenyu. Tinoda kuti pfungwa dzenyu dzive pakudzidza chete uye tarisiro yedu huru ndeyekuti munhu ange achipasa.

“Tikaona mudzidzi ava kuderera mudzidzo, tinomudaidza tokurukura zvinomunetsa asi akaramba achiderera, tinomunyorera magwaro eyambiro uye panenge pava nemikana yekuti tinogona kumira kumubhadharira mari yechikoro,” vanodaro.

Muzvare Murambinda vanoti dzidzo yakakosha nekuti inoita kuti vadzidzi vabudirire muupenyu vagokwanisa kudzokera kunharaunda dzavo vachiita mabasa ebudiriro izvo zvinobatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika.

“Sekambani, tinoona zvakakosha kuti tirambe tichitsigira nharaunda idzo tinoshanda nadzo. Tava nemakore anodarika gumi nemashanu tichitsigira vadzidzi nehomwe yemari inodarika $1 500 000 pagore,” vanodaro.

Kubvira pakavambwa chirongwa ichi, vadzidzi vanodarika 700 vabatsirikana kuburikidza nekuwaniswa mabhezari.

Share This:

Sponsored Links