9 vasungwa vachiita chifeve

25 Jan, 2023 - 08:01 0 Views
9 vasungwa vachiita chifeve Insp Chakanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vapfumbamwe – varume nevakadzi – vakasungwa svondo rapera pane imwe imba inotengeswa zvinodhaka pamwe chete nekuitirwa mabasa echipfambi iri mumusha weGlen View 3, muguta reHarare.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Julius Chakanza, vanoti vanhu ava vakasungwa mushure mekunge mapurisa anyeverwa neveruzhinji pamusoro pemabasa akaipa aiitwa pamba apa.

“Mushure mekuwana mashoko ekuti kune imba yaishandiswa mumabasa echipfambi nekuwanisa zvinodhaka, mapurisa akanovandira panzvimbo iyi ndokuona vanhu vachipinda vaviri-vaviri, varume nevakadzi zvose, nekubuda mushure mekunge vapedza kuita zvechipfambi. Mapurisa vakakomba imba iyi ndokusunga vanhu vakawanikwa vachiita mabasa echipfambi vanokwana kuita vapfumbamwe,” vanodaro Insp Chakanza.

Imba yaishandiswa mumabasa echipfambi nekutengesa zvinodhaka iri mumugwagwa 89th Crescent.

“Mapurisa vakomba imba iyi, vakakwanisa kusunga vanhu vanosanganisira Ashton Ruwocha (45), Mercy Matora (24), Simion Simion (35), Frank Kakunguwo (35), Grace Munhuhwa (30), Alice Simion (26) naTonderai Mutenga (38). Vose ava vakasungwa nenyaya yekuita zvechipfambi,” vanodaro Insp Chakanza.

Vanoyambira varidzi kuti vasashandise dzimba dzavo kuitirwa mabasa asingatenderwe pasi pemutemo semashabhini nekutengeserwa zvinodhaka.

“Nzvimbo dzakadai idzi dzinohwandisa makororo anenge achitsvagwa nemapurisa vapara mhosva dzakasiyana uyewo munoparwa mhosva dzichivanzwa. Pamusoro pezvo, vanasikana vechidiki ndimo mavanokanganiswa vachibatwa chibharo nekuitiswa pamiviri,” vanodaro.

Insp Chakanza vanoti munharaunda munoonekwa vanhu vachiita zvechipfambi mune vana vanogumawo vava kuitawo hunhu hwakaipa uhwu.

“Veruzhinji vakaona zvinhu zvakadai kunzvimbo dzavanogara ngavazivise mapurisa vanhu vosungwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links