90 ‘days’ vachirara nezvitunha zviviri

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
90 ‘days’ vachirara  nezvitunha zviviri

Kwayedza

. . . vasingageze nekudya sadza
‘. . . ndiko kuti vakafa vazomuka’

Kingstone Mapupu —
ZVITUNHA zvevanhu vaviri — chababa nechemwanakomana wavo — zvange zvakavharirwa mudzimba kwemwedzi mitatu nechidimbu nehama dzevashakabvu ava kwaMashayamombe, kuMhondoro zvichitevera mashoko anonzi akasiya ataurwa nemumwe wevafi ekuti vasavavige mumakuva achiti vaizomuka nekufamba kwenguva.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa.

Manenji aya akaitwa nemhuri yekwaPhiri, iyo inogara mubhuku raMelusi, kwaSadunhu Murombedzi.

Mai Judith Maruza

Kunze kwekuudzwa nemufi kuti kana iye nababa vake vafa vasazovaviga, vemhuri iyi vose vakanzi zvakare havafanirwe kudya sadza kwemazuva 90 – hongu kwemwedzi mitatu – asi kurarama nemaputi nemvura bedzi uye kuti vasazogeza mukati menguva iyi.

Zvose izvi ndizvo zvakaitwa nevanhu ava – nemo-nemo pasina kutsaudzira!

Mhuri iyi inonamata chechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku uye vanonzi vanongonamata voga pasina vamwe vekunze, vachitungamirirwa nemwanakomana wepo anga ari ndiye muporofita, James Phiri (36).

James anonzi ndiye akatanga kufa mwedzi mitatu nechidimbu yadarika mushure mekunge arwara.

Sezvaakareva asati afa – chitunha chake chakavharirwa mumba, magonhi ndokukiiwa nekusungwa newaya, magwanza epo ndokuvharwa nemagumbeze nemachira kuti mweya usanzwike kunze.

Pava pashure, baba vaJames – VaMuzozo Phiri (80) – vanonzi vakazofawo nehurwere, chitunha chavo ndokubva chavharirwazve mune imwe imba kwemasvondo maviri nyaya iyi isati yazoputika.

Kwenguya yose iyi, vemhuri iyi vaiswera nekurara vaine zvitunha izvi mudzimba – zvakavharirwa, magonhi akakiiwa zvekukiiwa zviya.

Zvitunha izvi zvakasvika pakuwora zviri mudzimba mbiri kuchitevedzwa mashoko anonzi akasiya aporofitwa naJames – ekuti iye kana achinge afa mutumbi wake unofanirwa kuvharirwa mumba. Hanzi izvi zvikaita, iye aizomuka.

James anonzi akati zvakare kana baba vake vazofawo, mutumbi wavo unofanirwa kuvharirwawo mumba achiti iye aizomuka kuvafi, ozomutsawo baba vake pashure.

Nekudaro, vemhuri iyi vakatevedzera mhiko idzi sezvainge zvarehwa.

Nyaya yekuvharirwa kwezvitunha mumba iyi yakazofumurwa nevavakidzani, avo kwenguva refu vange voshaiswa rugare nekunhuwa kwezvitunha izvi.

Vemhuri iyi – kusanganisira amai vepo, Mai Judith Maruza (68) nevamwe vana vavo – havana munhu wavakamboudza kuti pane mitumbi miviri yevanhu yavainge vakavharira mudzimba.

Mwana mukuru wemhuri iyi – Miriam Phiri (47) – anotsinhira nyaya iyi achiti iye aisavepo, ari kubasa, pakaitika manenji aya.

SUSAN PHIRI

“James aiva muporofita wechechi yaipindwa nevanhu vose pano. Anonzi akapa vanhu vepano mhiko yekuti vaifanirwa kutsanya kwemazuva 90, vanhu vasingageze vachingodya maputi chete,izvo zvinonzi vakazvitangisa mumwedzi waFebruary (Kukadzi) vaviri ava vainge vachiri vapenyu.

“Chinangwa chinonzi chaiva chekusimbisa chiporofita chaJames uye anonzi akati kana afa mutumbi wake waingovharirwa mumba, worega kuvigwa. Anonzi akasiya ati zvakare baba vakanga vasisinawo nguva, avo vaakati vaizofa izvo zvakabva zvaitika.

“Akatiwo mutumbi wavo waifanirwa kuzovharirwa mumba, achiti aizovamutsa apo iye ainge amukawo – vanhu vakazvitevedza,” anodaro Miriam.

Anoti kuvharirwa kwezvitunha mumba uku kwakaitwa kuchitungamirirwa naamai vavo, Mai Maruza vachibatsirwa nevamwe vana vaivapo.

Vamwe vevana vaiva pamusha pakaitika nyaya iyi ndiChipo Phiri (38), Patience Phiri (30), Pedzisai Phiri (24), Susan Phiri (27) naSarudzai Phiri (21).

“Zvitunha izvi zvakawora, mweya wekunhuhwa uchiedza kuvharwa nemachira aiva akaiswa pamadhoo aiva akasungwa newaya. Ini ndinoti yaingova mweya yetsvina yaibata pahanzvadzi yangu kwete zvekuti aibatwa nemweya mutsvene,” anodaro Mirriam.

Muroora wepamusha apa, Eullita Mapira (34) – uyo anova mudzimai waTichaona Phiri – anoti iye nemurume wake vakadzingwa pamusha apa naJames vachinzi mweya wakanga wataura kuti vambobvapo kusvikira wavati vadzoke ndokunzi vatsanye kubva mumwedzi waKukadzi gore rino.

“Pakaitika nyaya iyi, isu taisagara pano, takanga tanzi nemweya uyu timbobva nekunzi titsanye kubva muna February (Kukadzi) izvo murume wangu aiita oga, kwete neni,” anodaro.

Mapira anoenderera mberi: “James ndiye akatanga kurwara nekukosora kwemazuva mashoma achibva afa, chitunha chake ndokuvharirwa mumba chikaworeramo.

“Baba vakazorwarawo – avo vakanga vagara vaine denda mushure mekurumwa nenyoka kare – vachibva vazofa, mutumbi wavo ndokuvharirwa mumba uchinzi waizomutswa kana waJames watanga wamuka. James ndiye ainzi kana iye amuka, aizomutsawo baba.”

Anoti vemhuri iyi vakangosara vachitsanya zvichitevera kufa kwaJames nababa vake, izvo zvakakonzera kuti vamwe vapedzisire vave kurwara nekuda kwekusadya.

“Vanhu vakazoramba vachitsanya kudarika mazuva avakapihwa aya, vave kuda kuti mweya waiva waporofita panaJames uzadzikise chirevo chawo chekuti vanhu vaviri ava vachimutswa sekuvimbiswa uko zvainge zvaitwa zvikaita kuti vapotse vaziya nenzara,” anodaro Mapira.

Dzimwe mhiko dzinonzi dzakasiya dzapihwa mhuri iyi kugara vachipfeka magemenzi emhando dzakasiyana – matsvuku, machena, egreen neyellow.

Pane runyerekupe rwunoti James aiita hanzvadzi dzake madzimai ake – achishinha navo pamadiro – semhiko dzavo. Asi vemhuri iyi vanoramba mashoko aya.

Nyaya yekuvharirwa mumba kwezvitunha izvi inonzi yakazoburitswa nevavakidzani vemhuri iyi vekwaBonya, avo vakanga vanzwa nekunhuwirwa nezvitunha zvakaworera.

Mai Jane Nyabawa Bonya (34), vanoti vakatanga kunzwa gutukutu remweya vachidarika nepamusha uyu vachibva vanozivisa murume wavo, Toloka Bonya (47).

“Murume wangu akazouya ndokubvunza Sekuru Zozo Phiri, apo akapindurwa kuti vaiva vakabvakacha. Akazoshedza vamwe apo vakasvikovhura madhoo nechisimba ndokutambirwa nehonye nechitunha chasekuru ava chakatowora.

“Takazoenda muimba yaigara James tikaonawo akatowora, dzichingova honye. Ndipo pakazofonwa kumapurisa,” vanodaro Mai Bonya.

Vanoti pakamboshaika mumwe mwanasikana wepamusha uyu – Spiwe Phiri (27) muna Ndira gore rino – James akarambidza vanhu kuti chitunha chake chivigwe kwemazuva mana chikaguma chawora zvakare, achiti aida kuchinamatira kuti mufi amuke.

“James aitaurira vanhu kuti Spiwe akanga asina kufa, asi kuti aiva arohwa nezvinhu. Takatozoviga mutumbi wake nechisimba.

“Zvakare, pane mashoko anoti James aishinha nehanzvadzi dzake, ayo atisina umboo nawo uyewo dzimwe nguva Sekuru Phiri vainzwikwa vachichema asi tisingazive kuti vaichemei,” vanodaro.

SABHUKU MELUSI

Sabhuku wemusha uyu, VaStanley Melusi (69), vanoti nyaya iyi vakatozoinzwawo vari pamusangano kutaundishipi yeChindiya.

“Nyaya iyi inoshamisa, handizive kuti kunamata kwemhando ipi uku? Mhuri iyi inoti inonamata chechi yeJohane Masowe weChishanu yeNguwo Tsvuku – inova yavo chete muno, hakuna mumwe wavanonamata naye.

“Zvitunha izvi zvakatorwa uye naivo vemhuri iyi vakambotorwa nemapurisa, vari kudzoka nhasi (neChina svondo rapera) mitumbi yovigwa,” vakadaro.

Vanoti nyaya iyi vakaikwidza kwaSadunhu Murombedzi nekwaMambo Mashayamombe.

“Dunhu redu rasviba nenyaya iyi, panoda kuitwa chenuro. Mhuri iyi dzinza rayo riri kuMozambique – baba naamai vacho ndevekuMudzi. Vakauya muno mugore ra2010 vachibva kumapurazi,” vanodaro. Vanoti vanhu ngavasangotevedza zvitendero zvose-zvose sezvo zvimwe zvinovakanganisa.

Sabhuku Zaranyika, VaParadzai Dhlamini (43), vemudunhu iri vanoti nyaya iyi yakavhundutsa vagari veko zvikaita kuti ruzhinji rwevanhu rwukoromoke kubva mumisha 12 yeko vachinoona mashura aya.

“Mamwe machechi ngaapote achiongororwa zvinhu zvisati zvasvika pakadai. Isu semasabhuku ngationgororei manamatiro evanhu vedu vapote vachinonyoresa kumapurisa nguva nenguva,” vanodaro.

Pakasvika Kwayedza pamusha uyu, yakawana paine vanhu vashomanini – kuita sepasina kufiwa. Kumakuva maviri aicherwa kugadzirira kuchiviga baba nemwanakomana wavo ava kwaingova nevarume vaviri bedzi.

Pamusha pemhuri iyi pane kirawa yavanonamatira nemazihari anonzi aishandiswa naJames izvo zvose zvakaonekwa neKwayedza.

Zvakadai, Insp Mabgweazara vanoti mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

“Tinoti isu muZimbabwe mune mutemo unoti zvitunha zvose zvinofanirwa kuvigwa kana kupiswa zvichifambirana nezvinodiwa nemufi kana nehama dzevafi. Zvimwe zvitendero zvinofanirwa kuongororwa, nekudaro mapurisa edu vane kuferefeta kwavari kuita, panofanirwa kunge paine mhosva iripo ichaendesa vamwe vemhuri iyi kumatare edzimhosva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links