90pc yevadzidzi vabaiwa nhomba

25 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
90pc yevadzidzi vabaiwa nhomba Arthur Maphosa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIKAMU chinodarika 90 percent chevana vechikoro vane makore 16 okuberekwa zvichikwira – kunyanya vari kuita O- neA-Level – vabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19, sekutaura kwesangano reNational Association of Secondary Heads (NASH) mushure mekunge nyanzvi dzezveutano dzati mushonga weSinovac vaccine unokwanisa kubaiwa vemazera aya.
Kunyangwe zvazvo vabereki vachifanirwa kupa mvumo, havasi kuramba kuti vana vavo vabaiwe sezvo vachida kuti vange vakadzivirirwa kudenda iri.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti kushanda pamwe kwakaitwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari nereutano nekurerwa kwevana – uko kwakaona kunyorwa kwebvunzo dza2020 kuchibudirira zvikuru – kunotarisirwa kuita zvimwe chetezvo gore rino.

Mapazi maviri aya ari kushanda ose zvakare muchirongwa chekubaiwa kwevadzidzi nhomba muzvikoro.
Mukuru wesangano reNASH, VaArthur Maphosa, vanoti vane chivimbo chekuti bvunzo dzegore rino dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzichafamba zvakanaka pasina njodzi yechirwere cheCovid-19.

“Gore rino, tine kugutsikana kwakanyanya. Tiri kubatsirwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kutora matanho ekuchengetedza utano. Semuenzaniso, vari kuuya muzvikoro kuzobaya vemazera anokodzera, kureva vane makore 16 zvichikwira,” vanodaro VaMaphosa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kusvika pari zvino, tabaya nhomba chikamu chinodarika 90 percent chevadzidzi muzvikoro zvose zvakashanyirwa nezvikwata zveveutano apo kune zvimwe zvikoro vari kubaiwa vanodarika chikamu che95 percent.
“Tiri kukumbira mvumo kubva kuvabereki tisati tabaya vana uye ndinofara kuti vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vabaiwe nhomba idzi.”

Chirongwa chekubaya vanhu nhomba kusvika pari zvino chaona vanhu vanodarika 3,6 miriyoni vachibaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) apo 2,7 miriyoni vabaiwa ose ari maviri – ekutanga neechipiri (2nd dose).

Mukuru wesangano reNational Association of Primary Heads (NAPH), Mai Cynthia Khumalo, vanoti zvikoro zvagadzirira kunyorwa kwebvunzo dzeGrade 7 dzekupera kwegore uye vari kushanda pamwe chete nebazi rezveutano pamusoro penyaya yekudzivirira Covid-19.

“Tiri kushanda nebazi reutano nekurerwa kwevana avo vari kutibatsira zvakanyanya mukuona kuti mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 yatevedzwa zvizere, izvo zvinoita kuti tigutsikane kuti bvunzo dziri kunyorwa munharaunda yakachengetedzeka panyaya dzeutano,” vanodaro Mai Khumalo.

“Chikoro chimwe nechimwe chine muzinda wezveutano wachakabatanidzwa nawo unobatsira panenge pachida rubatsiro. Ndinofara kuti vamwe vedu vezveutano vari kushanda nemazvo panyaya iyi.”

Share This:

Sponsored Links