Uncategorized

Akatorerwa mudzimai naCaretaker • ‘Akapfimbirwa mvura’ • ‘Ukadzoka ndinokuda’

14 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Akatorerwa mudzimai naCaretaker • ‘Akapfimbirwa mvura’ • ‘Ukadzoka ndinokuda’ MARTIN NAMAYBE

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuChitungwiza ari kuchema-chema achiti akahwapurirwa mudzimai wake waaine vana vaviri naye nemushandi wepachechi yeApostolic Faith Mission Church in Zimbabwe (AFM) iri ikoko.
Mukadzi uyu ari kunzi akapfimbirwa mvura iyo inotengeswa nacaretaker uyu.

VaEddison Sangana (37), avo vanogara panhamba 4229 Unit D, vanoti vakatorerwa mudzimai wavo, Maybe Muchineuta (35) naVaMartin Shereni (62) vanoshanda sacaretaker pachechi yeAFM Maranatha iri kuUnit D kwakare.

Zvisinei, murume uyu anoti kana dai mudzimai uyu akafunga zvekudzoka kumurume waakatizira uyu, “ndinongomuda zvakadaro”.

“Ndakaroorana nemudzimai uyu mugore ra2005 tikaita vana vedu vaviri.
“Kumadzitezvara angu kuBuhera ndakasvika ndikazivikanwa. Asi pfuma zvangu handina kubvisa.
“Zvino svondo rakapera mudzimai akazotiza kumba kwedu kwatairoja ndokuenda pachechi kunogara nemurume uyu,” vanodaro VaSangana.

Vanoti vaona kuti mukadzi abvutwa, vakataurira mukoma wemudzimai wavo nemurume wacho nyaya iyi, asi hapana zvavakakwanisa kubatsira nazvo.

“Ndakaridzira nhare amaiguru nababamukuru vakatouya tikaonana, ndikaridzirawo nhare madzitezvara. Asi zvinoratidza sekuti hapana ari kudivi kwangu munyaya iyi.
“Izvozvi mukadzi wangu ava kugara nechikomba ichi pachechi. Mufundisi wechechi iyi nevamwe vakuru muno muD ndakavazivisa nyaya iyi asi hapana kugadzirisa kwavakaita, vari kuti uyu ndiye ava muridzi wemukadzi,” vanodaro.

VaSangana vanoti sezvo caretaker wepachechi iyi achitengesa mvura, vadzimai vavo vakapfimbirwa mvura inotengeswa $10 pamugomo wemarita 20.

“Hapana chimwe chakaitika, vadzimai vangu vaienda vachinotenga mvura pachechi iyi saka vakanyengerwa mvura.

“Ndakazotanga kubata mashoko munhare yavadzimai vangu, pamwe pacho vaifonerwa husiku kusvikira ndakazobvunza murume uyu kuti sei achitaura nemukadzi wangu? Akaramba kuti anotaura naye.”

VaSangana, avo vanoita basa rechigadhi uyewo nekuveza vachivawo muporofita kuchechi yeNguwo Tsvuku, vanoti vanoda kuti mudzimai wavo adzoke.

Vanoti kana mudzimai wavo akasadzoka hapabude chakanaka sezvo vachigona kuita mhiko dzavo dzinovarwira panyaya iyi.

“Ndiri kurwadziwa nekuti vana vangu mumwe akaendeswa kunogara naambuya kuBuhera, mumwe akatizwa naye naamai ava vachienda kuchikomba.
“Mudzimai wangu akadanana nemurume uyu mwedzi kana kuti miviri yadarika, kusvikira vazotizisana kudai,” vanodaro VaSangana.

EDDISON SANGANA

Kwayedza yakatevera mudzimai uyu kumba kwechikomba ichi pachechi akanowanikwa aripo vachitonwa svutugadzike naVaShereni.
“Ehe ndiri pano uyu ndiye ava murume wangu. Eddison akanditiza ndichirwara makore mashanu akadarika, kwete zvaanotaura izvi.

“Nababa ava tava nemakore maviri tichidanana, ndivo vanondipa zvose zvandinoda. Eddison Sangana aiva chikomba kwandiri nekuti hapana kana mari yaakaendesa kuvabereki vangu kwaGaza, kuBuhera,” vanodaro Mai Muchineuta.

Vanoti pavakatizwa naVaSangana, vakasara ndokuchengetwa nehama dzavo vachirojerwa imba ndokuzoguma vadanana nemurume mutsva uyu.

“Eddison akanditiza akanoroora mumwe mukadzi waanogara naye kuStoneridge, kuHarare.
“Ini ndakawana anondida, murume uyu wandinaye pano.
“Akazodzoka svondo rakapera ndokubairira bakatwa pasi achiti anoda kurara neni ndikaramba achindivhundutsira,” vanodaro Mai Muchineuta.
Vanoti kana VaSangana vachiti vakatorerwa mudzimai sekutaura kwavo, ngavaende kumadzitezvara avo kunotaura nyaya iyi.
VaShereni vanoti vakadanana nemudzimai uyu achigara oga uye asina murume kusvikira vakazoronga zvekugara vose sezvo ivo vasina mukadzi.
“Mudzimai uyu ndakatanga kumubatsira ndichimubhadharira rendi kusvikira ndazomutora kuti agare neni pano pachechi pandinoshanda. Vakuru vechechi vakaziva nyaya iyi vakabvumirana neni kuti tigare tose nekuti munhu anoda mubatsiri.
“Ndinomuda mwana uyu, hatirambane uye nemusi weChishanu (chadarika) ndiri kutonobvisa mari yeroora,” vanodaro VaShereni.
VaShereni vanoti vakazoendesa mari yetsvakiraikuno kumadzitezvara avo kuti vazivikanwe nemhuri yeava mudzimai wavo.
“Munhu washe, ndakazoendesa US$50 yetsvakiraikuno kumadzitezvara angu kuti vazive kuti ndini ndine mwana wavo, kwete zveuyo ari kuti anoda kundiripisa kuti ndakatora mudzimai wake.
“Ndave kusvikawo pamusha pemudzimai ndichiurairwa huku sezvo ndave kuzivikanwa,” vanodaro VaShereni.

Mukoma waMai Muchineuta akataurwawo naye panhare neKwayedza ndokuti VaSangana vaiva chikomba sezvo pasina mari yeroora yavakabvisa.

“Vanhu vaviri ava vose zvikomba hapana akaroora, tinoti Eddison akatadza kuchengeta mudzimai wake akamutiza saka hatina chekuita naye,” anodaro mukoma waMai Muchineuta.
Pastor Tafadzwa Tsikayi (48) vechechi yeAFM in Zimbabwe vanoti vakamboedza kugadzirisa nyaya yevatatu ava asi vakazoona kuti zvakanaka kuti vapedzerane voga.

“Tina baba vanoshanda pano vari kunzi vakatora mudzimai wemumwe, takavati vataurirane voga asi mudzimai uyu nemurume wake mutsva takavachengeta pano,” vanodaro Pastor Tsikayi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey