$98m yekusimudzira madiridziro

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
$98m yekusimudzira madiridziro Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri

Kwayedza

Nyore Madzianike
HURUMENDE yakawana rubatsiro rwemari inosvika $98 miriyoni yekutenga midziyo yemadiridziro pasi pechironwga cheMore Food for Africa Brazil Programme icho chichaona mabhindauko 28 emadiridziro ekuManicaland Province achibatsirikana.

Mabhindauko eNyanyadzi neNenhowe ari kuChimanimani District ndiwo achatanga kubatsirikana pasi pechirongwa ichi. Vachitaura pakuparurwa zviri pamutemo kweNyanyadzi Irrigation Scheme svondo rapera, gurukota rebazi rinoona nezveminda, kurima nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa, Retired Air Chief Marshal Perrance Shiri vanoti chirongwa ichi chine donzvo rekusimudzira nyaya dzemadiridziro.

“Bazi redu rakatanga mabhindauko emadiridziro ane chitsama pasi pezvirongwa zvinosanganisira Public Sector Investment Plan, Command Agriculture neMore Food for Africa Brazil Programme,” vanodaro.

“Donzvo nderekuvandudza, kuvaka pamwe nekuti madiridziro aripo parizvino ange achifambirana nenguva. Zvakadai, Hurumende yakawana rubatsiro rwe$98 miriyoni yekutenga midziyo yemadiridziro pasi pechirongwa cheMore Food for Africa Brazil Programme icho chichabatsira mabhindauko 28,” vanodaro.

Rtd Air Chief Marshal Shiri vanoti mabhindauko aya achaita kuti huwandu hwemahekita ari kurimwa pasi pemadiridziro huwedzere kubva pa220 000 kusvika pa250 000 pakupera kwegore rino. Vakataurira varimi vaive vakaungana paNyanyadzi Primary School kuti iye zvino chinangwa chiripo ndechekusimbaradza nzira dzekurima dzechizvino-zvino dzinoshandisa mvura shoma.

Rtd Air Chief Marshal Shiri vanokurudzira varimi kuti vatore mukana werubatsiro rwavari kupihwa neHurumende kuti varime zvine punduko zvisinei nematambudziko ari kusanganikwa nawo munyaya dzeupfumi hwenyika.

Vachitaurawo pagungano iri, gurukota reHurumende rinomirira Manicaland, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti vanoshushikana zvikuru nekukundikana kuri kuita varimi vemudunhu ravo kushandisa zvizere madiridziro arimo.

“Manicaland yakaropafadzwa neminda yakakura pamwe nemvura izvo zvinoita kuti pakwanise kurimwa nemadiridziro mahekita 120 000, asi parizvino mahekita ari kurimwa chete anosvika 330 000,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanorumbidza basa guru riri kuitwa nebazi rezvekurima rekusimudzira mabhindauko emadiridziro mudunhu iri.

Share This:

Sponsored Links