A-LEVEL ― ngano dzamatambidzanwa: Kuimba nengano

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa mubvunzo uyo watakatanga svondo rinouya.

5. Tsanangura zvinogutsa kuti nziyo dzaiita basa rei mungano uchishandisa ngano dziri mubhuku iri. [25]
Mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba munobudiswa ngano dziine basa guru rekupa vana zvidzidzo zveupenyu. Mungano iyi munoimbwa rwiyo rwekuti, “Vana vekwedu marema, kutevera zvine miswe yazvo.” Iyi yaive nzira yokuda kuchenjedza vasikana vainge vawanikwa navakomana vaipinduka kuita shumba kuti vaone kuti vainge varasika pakutevera vakomana vaipinduka.

Kuimba kunoitwa mungano iyi kunopa vateereri chidzidzo chokuti havafanire kuda vakomana vavanenge vasina ruzivo nezvavo sezvo zvichigona kuvapinza mumatambudziko. Nokudaro, nziyo dzinobuditswa mungano dzichipa dzidziso nechenjedzo yematambudziko anogona kuwira vanhu muupenyu.

Mungano inonzi, Gore renzara munobuda pfungwa yokuti nziyo dzaiimbwa senzira yekufadza vateereri vengano. Mungano iyi mune murume aidya uchi musango achinyima mhuri yake kumba. Paaienda musango kunodya uchi aitanga aimba achiti,
Ada ngoma ngaatevere weye ndiye,
Tevera hude ngoma,
Ada ngoma ngaatevere woye ndiye . . .

Kuimba uku kwaibva kwanakidza vateereri vengano. Izvi zvinobva zvabudisa pachena kuti nziyo dzaivepo kufadza vateereri mungano.

Murungano Chikava chaipinduka chichiva munhu nziyo dzinoshandiswa kuti mashiripiti agone kuitika. Mungano iyi mune musikana anonzi Marusarira akaroorwa nemukomana aipinduka kuita gava nekuda kwekuchiva runako rwemukomana uyu. Musikana uyu akazoimba rwiyo mushure mekunge afungidzira kuti mukomana wake aive gava.

Anoimba achiti,
Ndinde ndindendi,
Mukava iwe
Chisango chino chandinakidza,
Chikati tsubvu chikati matamba . . .

Achingoimba kudaro mukomana wake anobva apinduka kuve gava. Paanozviona anobva atiza achisiya mukomana uya ave kudzokera kumba kwake. Kuimba kunoita musikana uyu kunoita kuti mukomana asanduke kuve gava. Izvi zvinobva zvajekesa kuti nziyo dzaive nebasa rokuti mashiripiti agone kuitika mungano.

Share This:

Sponsored Links