A-LEVEL ― Ugo hwamadzinza avashona

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Kupfimba muramu

Munyaradzi Gunduza
TINOPEDZISA mhinduro yemubvunzo watakatanga kuita svondo rapeera unoti;

  1. Tsanangura zvinobuda mumadetembedzo okupfimbana kubva mubhuku iri. [25]

Vanababamukuru vaigonawo kupfimba varamu vavo kuti vazotora zvinzvimbo zvavanamukoma vavo semudetembo, Rutendo muramu apo babamukuru vanodetembera muramu wavo, Rutendo kuti avade agovapodza marwadzo emupfungwa pamwe nokuvavaraidza. Nyanduri anoshandisa mibvunzonhando kuti anzwirwe urombo nemuramu wake sepaanoti, “Chandakatadza kwauri chiiko muramu chinokupa kundikanganwa serengenyn’a?”

Izvi zvinoratidza kupererwa kwanyanduri nokushayiwa zvikonzero zvokurambwa nomuramu wake.

Munhetembo idzi munobuda zvakare pfungwa yokuti rudo rwunogona kurwadza chose kana munhu akasarupiwa nemunhu waanenge akatarisira semudetembo rinonzi, Mudiwa wangu warova apo nyanduri anodemba mazuva ekare mudiwa wake achiri mupenyu achimupa rudo rwose panonzi, “Nhasi ndozvionepi, iwe wava kutsi kwevhu?”

Munobudawo kushungurudzika kwekufirwa nemudiwa wake uyo arova zvekuti nyanduri anorwadziwa nokusauya kwemudiwa wake paanoti, “Anokudzivisa kuuya kwandiri ndiani?” Mudetembo iri munobudawo shungu dzevanhu vanosiiwa nevadiwa vavo zvinovarwadza sepanonzi, “Shungu dzorudo dzondin’en’enura mwoyo” kuratidza kurwadziwa kwake nokufirwa nomudiwa wake.

Vananyanduri vaigona kurovawo nheketerwa dzokutadza kwavo kugara voga, saka vanenge vachirayira kana kupanga vadiwa vavo maererano nerudo chairwo rwunozadzikiswa mukuroorana sezvinobuda mudetembo rinonzi, Rudo rusina magova magova sepanonzi nanyanduri kumudiwa wake Mationesa, “Mationesa! Uya ugare neni” kureva kuti ava kuda kuti rudo rwavo ruchizadzikiswa nokugara vose kana varoorana.

Nyanduri anoshandisa zitadunhurirwa rokuti Mationesa nokuti amuonesa nhamo huru yorudo paanoti, “Mationesa! Wandionesa nhamo huru yondidya mwoyo” kureva kuti ava kutambudzika kuti vachizogara vose, achisiyana nekuita zvemesomeso.

. Tinoenderera mberi nemibvunzo nemhinduro yenhetembo dziri muna Ugo Hwamadzinza svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links