A-LEVEL — KUDA MUHONDO : Matambudziko enguva yehondo

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

KUPISIRWA dzimba nematura – Josiah anotaura achiti masoja akasvika pamusha akashaya munhu anobva apisa dzimba nematura. Izvi tinoona vachizviita pamusha pavanaKuda pavanoshaya vanhu avo vainge vatizira muchikomo ndokubva vatanga kupisa dzimba pamwe chete nedura. Izvi zvinoita kuti Kuda atange kuchema zvikuru ari mugomo kudaro.

Kurumiswa nembwa – pamusangano wekugadzirira kuchema mukuru wezvematongerwo enyika VaChitepo kuHighfields, masoja nemapurisa anosvika painge pakaungana vanhu vachivarumisa nembwa.

Kushungurudzwa kwevatema nevatema vaishandiswa nevachena – vachena vaishandisa vamwe vanhu vatema kuti vavabatsire kurwisa vatema vaivapandukira sezvatinoona kuBurma Valley kwaive nevatema vakawanda vaibatsira vachena kurwisa vatema. Vatema vaiitiswa izvi vaidaro nekuti vainge vachipihwa mari. Ndizvo zvimwe zvinotambudza Kuda chaizvo kusvika azoendawo kuhondo.

Kurambidzwa kuita misangano yezvematongerwo enyika – Komuredhi Kadiki vakanga vaenda kuhondo vari mwana mudiki kwazvo nenyaya yekuti vabereki vavo vakanga vatiza muZimbabwe vachienda kuZambia pavanorambidzwa kuita musangano wezvematongerwo enyika ndokuzobvako vopoterazve kuMozambique.

Matambudziko kana kuti zvimhingamupinyi zvinosangana nevanhu munguva yehondo

Kupisirwa dzimba nematura echikafu – masoja aiti akasvika pamusha achishaya vanhu aibva asiya apisa dzimba dzese kusanganisira nematura aichengeterwa goho sezvavanoita kumba kwavanaKuda kuChipinge.

Kutengeswa – tinonzwa Josiah achiudza Kuda kuti Samason akanga achekwa nemagandanga nekuda kwehutengesi hwaakaita paanotengesa magandanga kumabhunu. Magandanga anobva atiza asi anozodzoka achimuuraya mushure mekunge masoja aenda.

Kufa kwevanhu muhondo – pahondo inoitika pakamba 2 Kuda nevamwe vake gumi vasati vaenda kuMaputo kuti vapfuurire mberi vachienda kuChina inosiya yauraya vanhu gumi nemumwe chete nemabhunu asingaverengeki.

Kuda paanoparadzana nechikwata chavanaChikwekwete anosvika achiona kuti kwavaimhanyira kwainge kwarwiwa hondo chaizvo iyo yainge yauraya vanhu vakawanda. Pamwe pacho vaiona misoro yevanhu yakadambuka uye makumbo ari kwawo, pasisina mitumbi. Zvitunha zvavakaona pahondo iyi zvaive gumi nezvishanu. Kandege mumwe wevanhu vanoparara pahondo iyi.

Kuteyiwa nezvimbambaira — Komuredhi Pedzi pavanoenda nepovho kuMozambique vachibva muZimbabwe vanoti povho ifambe ichitsika patsikwa nemumwe aive mberi kuitira kuti vasauraiwe nezvimbambaira. Zvino vamwe vasere vanotadza kuteerera zvinoita kuti vauraiwe nezvimbambaira zvainge zvakateyiwa munzira iyoyo nemabhunu. Makomuredzi paanenge achibva kuBurma Valley kunopamba chikafu anorasikirwa nevamwe vavo vaviri mushure mekunge vavhunduka kuputika kwezvimbambaira ndokunotsika kwaive kusina kufambwa nemombe vachibva vaputikirwawo nazvo ndokufa.

Nzara — povho yainopotera kuMozambique inobayiwa nenzara chaizvo iri munzira. Bhodho anoudza makomuredzi aidzidzisa vanhu chiuto pakamba 2 kuti iye nevamwe vake vakanga vanzwa nenzara — ndizvo zvinoita kuti azotumidzwa zita rekuti Bhodho.

Kuneta – vanhu vakanga vachienda kuMozambique vanokuvara nekuneta sezvo vainge vachifamba netsoka. Tinonzwa Bhodho achikumbira makomuredzi aizovadzidzisa zvehondo zuva ravasvika kukamba 2 achiti vakanga vakaneta vachirwadziwa nemakumbo zvekuti havaizokwanisa kumhanya zuva raitevera sekutaurwa kwazvaiitwa nemakomuredzi aya.

Share This:

Sponsored Links