O-Level: Kuisa mazita mumipanda

05 Mar, 2020 - 11:03 0 Views
O-Level: Kuisa mazita mumipanda

Kwayedza

Svondo rapfuura takaita mibvunzo yekuisa mazita akasiyana mumipanda yawo. Chidzidzo ichi chaive maererano nemaumbirwo emutauro.

Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasan- gana nayo. Asi tisati takupai mhinduro idzi, ngatimbotangai tatarisa mhinduro dzakatumirwa nevamwe venyu;

Ronia Macheka, Form 3, Kambuzuma 1 High School —Tete mupanda 1a

Chikoro mupanda 7
Huroyi mupanda 14
Mberi mupanda 3
Ruoko mupanda 11
Vasekuru mupanda 2
Vachafa mupanda 2
Kasikana mupanda 12
Takunda mupanda 1a
Chembere mupanda 1a
Mwena mupanda 1
Zana mupanda 21
Gomana mupanda 1
Svana mupanda 19
Nzizi mupanda 21
Muramu mupanda 1
Nyoka mupanda 1a
Mhuka mupanda 9
Rwiyo mupanda 11
Gumbo mupanda 5
Vana mupanda 2
Rwenga mupanda 11
Kure mupanda 17
Meno mupanda 6
Twiza mupanda 13
Zvikonzero zvina zvekuisa mazita

mumipanda yawo chivakashure chem- hando yekutanga chinoshanda nguva nenguva kuburitsa maonekerwo anoitwa chinhu pasina kutsanangura sekuti mu-+- kadzi. Unogona kushandisa uchireva munhu mumwe chete sokuti mukomana. Zvinogona kutaura madzitsi anotanga nezvovera chinonzi zvovera anoti a e i o u sokuti kwana.

Kushandisa pazita rinotanga nezvirevo sokuti Harare. Zvinogona kutaura basa romunhu sokuti murape.

Tinovimbashe Ngwaru, Fomu 4 Mand- edza High School, Chakahwata Village, Seke –

1a zvinoreva mazita zvakafanana mupanda 21 zigadzi, zigomana

b. Sungawirirano yemazita – mupanda 7-chana chavo chauya

c. Sungano yeushoma neuzhinji -mupanda 1 – murume, mwana ine sun- gano yeuzhinji nemupanda 2-varume, vana

d. Chivakashure chakafanana-mupanda 4-miti minda, mi

Mazita mumipanda:
1a. tete, Takunda, chembere Mupanda 2a. vasekuru, VaChafa Mupanda 1. muramu
Mupanda 2. vana
Mupanda 5. zana, gomana, nzizi,

gomba, meno
Mupanda 7. chikoro
Mupanda 9. nyoka, mhuka, twiza Mupanda 11. ruoko, rwenga Mupanda 12. kasikana
Mupanda 18.mwena
Mupanda 19. svana
Mupanda 17a. mberi
Mupanda 17. kure
Hedzinoi mhinduro dzinotarisirwa

neveKwayedza
Mhinduro: (a) Chivakashure chakafa-

nana, sungawirirano yakafanana, zvaan- oreva zvakafanana, sungano yeushoma neuwandu yakafanana.

(vadzidzi ngavape mienzaniso yakakodzera)

(b) Zita Mupanda tete 1a vasekuru 2a mwena 3 muramu 1

vana 2 chikoro 7 VaChafa 2a zana 5 nyoka 9/10 rwenga 11 huroyi 14 kasikana 12 gomana 5 mhuka 9/10 kure

mberi 17 Takunda 17a svana 1a rwiyo 19 meno 11 ruoko 6 chembere 11 nzizi 9/10 gomba 5 twiza 9/10

Svondo rinouya tinokuburitsa mazita kana varipo evamwe vadzidzi vanenge vakatumira mhinduro dzakanaka. Avo vane mazita asina kukwanisa kubuda mubepa nhasi muchine mukana weku- tumirazve mhinduro dzenyu uye mune mukana wakakura wekuti munge muchihwinhawo. Tumirai mhin- duro panhare dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links