A-LEVEL: Vatema vaishungurudzwa

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

Tinopedzisa mubvunzo watakatanga svondo rapfuura unoti: Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatema vaende kuhondo nevachena.

Kusungwa zvisina tsarukano vakomana vaive muchitima vachiratidza kuti vaienda kunopinda muhondo yeChimurenga vanosungwa nemapurisa nemasoja vave maRusape nekuti vaive vasina zvitupa. Pakarepo, vanobva vasungwa ndokudzikwa navo maRusape imomo. Izvi zvimwe zvinhu zvinoita kuti Kuda pachake anyanye kuvenga vaRungu ndokusaka tichizoona apindawo munyaya dzehondo kumberi. Munhu mutema aiti kana achinge asungwa, haaipihwa mutongo pamberi pedare asi aibva atongotsakatika akadaro.

Kurohwa vakomana vanenge vari muchitima chaienda kwaMutare vasina zvitupa vanorohwa zvakaomarara nemapurisa nemasoja vasati vadzikwa navo. Tinoona zvakare vamwe vanhu vachirohwa nemasoja nemapurisa munzira vari mubhazi kuenda kuChipinge pavaikanganisa nhamba dzavo dzezvitupa. Tinonzwa kuti vamwe vanhu vaienda kuChipinge vairohwa nemapurisa aSmith nekugaro repfuti zvekuti vaizonetseka kukwira mubhazi zvakare. Masoja aipinda mupovho achishungurudza vanhu kuburikidza nekuvarova kana magandanga achinge adzokera kumabhesi awo. 

Kutorerwa zvekudya panguva inenge ichienda Kuda kuChipinge, bhazi raanokwira rinomiswa munzira nemapurisa, vanhu vachitorerwa upfu, nyama, shuga nezvimwe zvekudya vachinzi vaida kunozvipa magandanga. Izvi zvinoita kuti Kuda ashumbe kuburitsa misodzi achiona zvakadai zvinove zvakazomupawo shungu dzekuenda kuhondo.

Kuiswa mumakipi tinonzwa kuti vachena vaiisa vanhu mumakipi sezvakanga zvave kuda kuitwa vanhu vemudunhu rekumusha kwavanaKuda kuChipinge. 

Kupisirwa dzimba nematura – Josiah anotaura achiti masoja akasvika pamusha akashaya munhu anobva apisa dzimba nematura. Izvi tinoona vachizviita pamusha pavanaKuda pavanoshaya vanhu avo vainge vatizira muchikomo ndokubva vatanga kupisa dzimba pamwe chete nedura. Izvi zvinoita kuti Kuda atange kuchema zvikuru ari mugomo kudaro.

Kurumiswa nembwa pamusangano wekugadzirira kuchema mukuru wezvematongerwo enyika VaChitepo kuHighfields, masoja nemapurisa anosvika painge pakaungana vanhu vachivarumisa nembwa.

Kushungurudzwa kwevatema nevatema vaishandiswa nevachena vachena vaishandisa vamwe vanhu vatema kuti vavabatsire kurwisa vatema vaivapandukira sezvatinoona kuBurma Valley kwaive nevatema vakawanda vaibatsira vachena kurwisa vatema. Vatema vaiitiswa izvi vaidaro nekuti vainge vachipihwa mari. Ndizvo zvimwe zvinotambudza Kuda chaizvo kusvika azoendawo kuhondo.

Kurambidzwa kuita misangano yezvematongerwo enyika Komuredhi Kadiki vakanga vaenda kuhondo vari mwana mudiki kwazvo nenyaya yekuti vabereki vavo vakanga vatiza muZimbabwe vachienda kuZambia pavanorambidzwa kuita musangano wezvematongerwo enyika ndokuzobvako vopoterazve kuMozambique.

Svondo rinouya tinotanga mumwe mubvunzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey