Aa-a inyoka nhai!

21 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Aa-a inyoka nhai!

Kwayedza

PANE mumwe murume akapotsa arumwa nezimhakure rimwe gore tiri kumusha. Akatadza kuona zinyoka iri rakanga rakasimudza musoro, uye rakafutisa huro kuita sendiro. Murume uyu akanga ari pedyo nenyoka iyi zvingade kuita mita imwe chete chaiyo. Vamwe vakanga vaona nyoka iyi vachibva vatiza, ndivo vakazomushevedzera kuti atize.

Asi, nyangwe paakashevedzerwa pacho, akati azoiona nyoka yacho, haana kusvetuka achiridza mhere, asi akangoita sekuti nyoka iyi chimwewo chinhu chisingakuvadze. Akangoti nezwi rakaneta achitsaukira kurutivi, “Aa-a inyoka nhai!”

Mhakure inopa yambiro yakajeka kwazvo, uye yaitsvaga kuti murume uyu aione, agobva pairi isati yamuruma.

Wati wambozviitawo here kuti unotadza kuonekwa nemunhu wauri kuda kuti akuone? Pamwe unogona kushevedzera kumunhu iyeye, ugomuninira maoko nekuita zvimwe zvinhu zvakawanda kuti akuone, asi otadza kana kukuona. Dzimwe nguva, unotofunga kuti pane chisina kumira zvakanaka pamunhu iyeye chiri kumutadzisa kukuona kana kukunzwa.

Variko vanhu vakadaro, newe unogona kunge uri mumwe wavo. Variko vanhu vekuti Mwari akaedza nenzira dzinoshamisa kwazvo kuti vamuone, vamuzive, kana kuti vamire vagobvunza kuti chii chiri kuitika, asi havana kumira kana kutirimuka. Havana kushamiswa kana kurohwa nehana.

Tikadzokera munguva dzaJesu chaidzo, kune vakaona zuva richidoka masikati pakafa Jesu, asi havana kushamiswa nazvo. Ini ndiri kukunamatira iwe uri kuverenga, kuti dai Mwari vakakupa hana inorova. Dai Mwari vakakupa maziso anoona kuti wakasikwa nemutoo unotyisa, uye iye akakusika nemutoo iwoyo ari kuedza kutaura newe, asi iwe hausi kutirimuka.

Muka mhani, pepuka, tirimuka! Rega kutirimuka kana paita sadza nenyama chete, nekuti hushe hwedenga hausi zvekunwa kana zvekudya.

Kune vanhu vakaona zvinhu zvinotyisa zvakaitwa naMwari, kwete zvemasaramusi ari kuitwa nhasi ekuti vanhu vanopedzisira vave kunamata maporofita nen’anga iye Mwari aripo. Kune vanhu vakatadza kuona kuti zviri kuitika pavari hazvisi zvevanhu, asi zvave zvaiye Musiki pachezvake.

Fungai pakasvika Faro mambo weIjipita achitevera Moses nevanhu veIsiraeri pagungwa dzvuku. Faro nevanhu vake vakasvikowana gungwa rakavhura nzira, uye mvura yakaungana kuita semadziro kumativi, asi panzvimbo yekuti ashamisike – akangosvika sebofu achipinda muchishamiso ichocho.

Faro aifanirwa kuwira pasi obva atotendeuka ipapo, asi haana kudaro. Newewo une pamwe panhu pawakanyatsoona kuti zvaitika pano izvi hazvisi zvevanhu, asi hauna kuona kuti Mwari vakanga vachiedza kukuzunguza kuti uvaone.

Zvizhinji zvakaitika muBhaibheri, uye zvizhinji zviri kuitwa naMwari nhasi uno, zvakanangana nekutizunguza kuti ticheuke tigoona Mwari. Mwari nhasi uno vari kutaura nesu kubudikidza nevana vavakatipa chaivo. Mumwe anozvara mwana akaremara kana ane rimwewo dambudziko. Asi kubudikidza nedambudziko iroro, mumwe anozoona pamberi apo kuti Mwari vane zvavakanga vachida kutaura naye.

Kufanana nepaye pakafa Razaro, Jesu akati – rufu rwaRazaro rwakanga rwaitika nechikonzero chekuti simba raMwari rionekwe. Asi panzvimbo yekuti vanhu vaone Mwari mukumutswa kwaRazaro, vakatanga kutyira zvinzvimbo zvavo nesimba ravo rakanga rave kuzoshaya basa kana Jesu akasiiwa achimutsa vanhu nenzira yakadaro.

Shungu dzaMwari dziri pakuti tingogashira kuti variko tisina chavatiratidza kana kutipa. Ndipo paye pakanzi naJesu kuna Tomasi, “Vakakomborerwa vanotenda vasina kuona.”

Asi nekuti Mwari vanoziva kuti hatiite, vanoedza kufanotiudzira zvichauya mutest. Ndinotya kuti nyangwe pakuguma kwenyika, Jesu paachaburuka kubva kumakore, kune vachatadza kuona kuti pane zviri kuitika zvisingaite kuiginowa!

Share This:

Sponsored Links