Abata chibharo hanzvadzi yakaroorwa

31 May, 2023 - 08:05 0 Views
Abata chibharo hanzvadzi yakaroorwa Murume ari kupomerwa kubata chibharo hanzvadzi yake yakaroorwa

Kwayedza

Zvikomborero Parafini

MURUME ane makore 35 okuberekwa wekupomerwa kubata chibharo hanzvadzi yake yakaroorwa kuMbare nemusi weChina svondo radarika akamiswa mudare redzimhosva ndokunzi achatongwa ari muchizarira uye kana achida kupihwa bhera, anofanirwa kunyorera kudare repamusoro reHigh Court.

Murume uyu anogara kuMbare National nehanzvadzi yake ine makore 33 okuberekwa, murume wake nevana vavo vaviri.

Dare rakaudzwa kuti nemusi wa25 Chivabvu, murume wehanzvadzikadzi iyi akabva pamba nenguva dza8 manheru achienda kunonwa doro neshamwari yake.

Hanzvadzisikana iyi yakaenda kunorara nevana vayo vaviri – ane makore mashanu nemakore matanhatu okuberekwa – asi haana kukiya musuwo weimba yake yekurara nekuti murume wake aive asipo.

Kuma10 husiku, hanzvadzisikana iyi inonzi yakazopepuka ichiona hanzvadzikomana yakamuvhara maziso negokora ichibva yamubhinya.

Murume wehanzvadzi yacho paakadzokera kumba, akamuudza nezvekubatwa chibharo nyaya ichibva yamhan’arwa kumapurisa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti mudzimai uyu akaendeswa kuFamily Support Clinic kuti anoongororwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>