Abata chibharo mudzimai weshamwari

21 Dec, 2022 - 11:12 0 Views
Abata chibharo mudzimai weshamwari Dare

Kwayedza

George Maponga ari kuMASVINGO

MURUME ane makore makumi matatu ekuberekwa wekuChiredzi, uyo akapinda mumba meshamwari yake yainge yakadhakwa, ndokubata mudzimai wacho chibharo, atongerwa kugara mujeri kwemakore 14.

Freddy Hove wekuTriangle akatora mukana weshamwari yake iyo yakanga yakadhakwa ndokupinda mumagumbeze maiva makarara mudzimai wacho, ndokumubata chibharo.

Nemusi weChishanu chapfuura, mutongi wedare reChiredzi Magistrate Court, Muzvare Judith Zuyu, vakatongera Hove kugara mujeri makore 16 nemhosva yekubata chibharo mukadzi weshamwari yake asi akazobvisirwa mamwe makore maviri.

Pakumira kwaakaita mudare, Hove akaramba kuti akabata mudzimai weshamwari yake chibharo achiti aidanana naye.

Muchuchisi Moreblessings Rusere akaudza dare kuti nemusi wa18 Chikumi gore rino, Hove akaenda kunonwa doro neshamwari yake mushure mekunge aishanyira kuTriangle uko kwaakanga awana basa renguva diki.

Pavakadzoka kubva kudoro, shamwari yake akaenda muimba yake yekurara ndokurara nemudzimai wake uyuwo Hove ndokurara mune imwe imba yakanga yakatarisana neimba yekurara yavaviri ava.

Manheru iwayo, shamwari iyi, iyo yakanga yakadhakwa zvakanyanya, yakabuda muimba yekurarara maiva nemudzimai wake ndokuenda kwakanga kwarara Hove ndokuraramo.

Mushure mekuona kuti shamwari yake yakanga yakadhakwa zvakanyanya, Hove akamusiya akakotsira ndokunanga kwakanga kwakarara mukadzi wake.

Hove akapinda mumagumbeze maiva nemudzimai uya achiita sekunge ndiye murume wacho ndokuita zvaakaita.

Zvisinei, mudzimai uyu akazotanga kufungira mushure mekuona kuti munhu uyu ainge asiyana nezvaajaira nemurume wake.

Mukadzi uyu akabatidza mwenje wefoni yake ndokuona kuti akanga ari Hove ainge amubhinya.

Akabuda mumba umu asina kunyatsosimira achishevedzera kuzivisa vavakidzani avo vakazouya ndokubata Hove uyo akanga atopfeka nechekare.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa zvikazoita kuti Hove asungwe.

Share This:

Sponsored Links