Abatwa nemagetsi ari mumugodhi

29 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Abatwa nemagetsi ari mumugodhi Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Fungai Lupande

MURUME ane makore 45 okuberekwa, uyo aishanda pamugodhi weKambanje, kuMazowe, akabatwa nemagetsi ndokufa achiedza kubatanidza tambo dzejenareta kuti dziende pamuchina waaishandisa kuboora maburi pamatombo (jack hammer).

Mushakabvu Saul Gatsi akanga ari mumugodhi paakawirwa netsaona iyi musi wa22 Kubvumbi panguva dzemasikati.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti mushure mekunge Gatsi apinda mumugodhi uyu, akaudza vamwe vake kuti vabatidze jenareta kuti riendese magetsi kujack hammer.

Honest Ruvhayi (22) akabatidza jenareta ukuwo Fungai Ndege (53) achitevera Gatsi mumugodhi uyu.

Mushure mekuona kuti Gatsi abatwa nemagetsi, Ndege akabva adaidzira kuti jenareta ridzimwe.

Mutumbi waGatsi wakanga uchiri pasi pemugodhi uye akanga akabata tambo dzaive pachena dzaibatanidza magetsi kubva mujenareta.

Mutumbi uyu wakazoburitswa mumugodhi nemapurisa eZRP Mazowe Jumbo Base.

Share This:

Sponsored Links