Uncategorized

Abaya mudzimai nepfumo vana vachiona

24 Apr, 2022 - 00:04 0 Views
Abaya mudzimai nepfumo vana vachiona

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekwaMutare anonzi akauraya mudzimai wake mushure mekumubaya-baya nepfumo rakareba chidimbu chemita muviri wose achimupomera kuita zvechipfambi.

Taurai Mukono (48) anonzi akaura Rita Kanoyangwa (39) apo vaive kumba kwavo kuGimboki, kuDangamvura nemusi weSvondo wadarika.

Mukono anonzi akabaya Rita nepfumo kakawanda muviri wose apo vana vavo vaiona amai vavo vachibuda ropa rakawandisa.

Rita akasara aine maronda akadzika zvakanyanya kudivi rekurudyi rembabvu, paruwoko rwekurudyi, pachidya chekurudyi nepasi peguvhu.

Rita Kanoyangwa

Mukono anonzi akabva atiza mushure mekupara mhosva iyi uye haazi kuzivikanwa kwaari.

Vari kuziva zvaiitika pakati pevaviri ava vanoti vange vave nenguva refu vachigara vachinetsana vachipomerana nyaya dzechipfambi.

Vamwe vanoti pazuva iri, Mukono aipomera mudzimai wake kuita gumbo mumba gumbo panze.

Asi, kune mamwe mashoko zvakare anoti Rita aipomerawo murume wake kuti ane shamwarikadzi dzaanodanana nadzo dzakawanda.

“Chairman (Mukono) aiita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana uye mumwe wevaiona nezvekushanda kwevanoita mabasa ekutengesa muDangamvura. Aitengesa magaka nemabutternut.

“Munhu anogara aine hasha uye wanano yake yange isina kumira zvakanaka nekuda kwenyaya yake yekudanana nevamwe vakadzi. Ane vana vane chitsama vari kwakasiyana muno maMutare,” anodaro mumwe anoita basa rekutengesa zvinhu naMukono uyo anokumbira kuti zita rake risaburitswe.

“Aidanana nemumwe mukadzi anogara munharaunda imwe chete naye uye ichi ndicho chimwe chezvikonzero zvaiita kuti agare achirwisana nemudzimai wake.

“Nemusi uyu, takazoziva kuti Chairman abaya mudzimai wake nepfumo mushure mekunge amubvunzurudza pamusoro penyaya yake yekudanana nevamwe vakadzi.”

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi.

Insp Nobert Muzondo

“Vainge vakagara mumba nemusi weSvondo apo vaikakavadzana pamusoro penyaya yekusavimbika muwanano, Mukono achipomera mushakabvu kuti aiita chipfambi.

“Mukupopotedzana uku, Mukono akazomhanyira muimba yavo yekurara umo akanotora pfumo rakareba chidumbu chemita. Akabaya-baya Kanoyangwa muviri wose achibva anyangarika kubva panzvimbo iyi.

“Izvi zvakaitika vana vavo varipo. Vana ava vakazoshevedza hanzvadzi yaamai vavo, VaRonnie Kanoyangwa, vanogara kuHobhouse 3 avo vakabva vamhanya kuti vanoona zvaiitika.

“VaKanoyangwa vakazotakura hanzvadzi yavo kuenda nayo kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital apo vakasvika achinzi ainge afa,” vanodaro Insp Muzondo.

VaKanoyangwa vakabva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa epakamba yeDangamvura Police Station.

Izvi zvaitika pasati papera kana svondo rimwe chete apo mumwe murume wekwaMutare akazviuraya munzvimbo yemakuva yeYeovil Cemetery mushure mekunge mudzimai wake amubatikidza kuti aidanana nevamwe vakadzi.

Tinasha Chipepera (33) naTarisai Chirimuuta vanonzi vakanetsana mushure mekunge mudzimai uyu aona mashoko mufoni yemurume wake ayo aitumirana nevamwe vakadzi.

Mutumbi waChipepera wakazoonekwa muzuva rakatevera wakarembera mumuti munzvimbo ine makuva iyi.

Share This:

Sponsored Links