Abhinya mwana wemuvakidzani

30 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
Abhinya mwana wemuvakidzani

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME ane makore 65 ekuberekwa wemubhuku raSarunetu kwaMambo Zimunya kwaMutare akamiswa pamberi pedare nemhosva yekubata chibharo mwana wemuvakidzani wake ane makore 14 ekuberekwa.

Luke Musimwa, uyo ari kutongwa achibva mutirongo, anorambisisa mhosva iyi ndokunzi adzoke kudare nemusi wa3 Gumiguru.

Mutongi wedare reMutare Magistrate’s Court, Muzvare Prisca Manhibi, ndivo vari kuita nyaya iyi.
Muchuchisi VaThurston Mubvumbi vakaudza dare kuti Musimwa anonzi akatuma mwanasikana uyu kubhedhuru kwake kunotora shangu dzake.

“Anonzi akabva amutevera ndokumubata chibharo kamwe chete akamutyisidzira kuti pane zvaaizomuita zvakaipa kana achinge audza vanhu nyaya iyi,” vanodaro VaMubvumbi.

Vanoti nyaya iyi yakazobuda pachena apo amai vemwana uyu vakaona kusanduka kwehunhu hwake saka pavakamubvunzurudza akabva adura zvose.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Musimwa asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey