Abirwa achizvibatsira

28 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Abirwa achizvibatsira Insp Ncube

Kwayedza

Mashudu Mambo

MURUME ane makore 42 okuberekwa wekuBulawayo akarasikirwa nemidziyo inokosha US$1 240 zvichitevera kubirwa kwaakaitwa nechikwata chematsotsi apo aizvibatsira.

Chikwata ichi, icho chaive nemazipanga (machetes), chakamusvikira mushure mekunge aperekedza shamwarikadzi yake kunotora “makeup kit” kuEmakhandeni.

Zvinonzi nemusi wa20 Gunyana nenguva dza10 manheru, murume uyu akatyaira motokari aine shamwarikadzi yake kuenda kuEmakhandeni kunotora “makeup kit”.

Vachisvika, murume uyu akamisa mota yake kunze kwegedhi, mukadzi ndokupinda mumba.
Murume uyu akabva abuda kunze kwemota achiti azvibatsire uye paakanga ari kuzvibatsira, akabva akombwa nechikwata chembavha chaiva nemazipanga.

Chikwata ichi, icho chaida zvinhu zvinokosha, chakatanga kumurova muviri wake wose ndokumutorera nhare yake yeNokia nemari yeUS$300.

Mbavha idzi dzakaenda kumota yake dzichibva dzaba nhare mbiri dzaive padashboard ndokunyangarika panzvimbo iyi.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi ndokukurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekufamba-famba husiku.

“Tiri kuferefeta nyaya yehumbavha yakaitika kuEmakhandeni uye tinokurudzira veruzhinji kuti vasafambe husiku.
“Husiku, matsotsi anofamba-famba uye ukangoonekwa uchipaka mota chero kunze kwedzimba unogona kubirwa kana kurwiswa,” vanodaro Insp Ncube.

Share This:

Sponsored Links