Abirwa mota ndokusiiwa ari musvo

03 Sep, 2022 - 09:09 0 Views
Abirwa mota ndokusiiwa ari musvo Asst Insp Wiseman Chinyoka

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekwaMutare akabirwa motokari yake, US$100 nenharembozha mbiri nemakororo matatu ayo aakange atakura kuHot Springs.

Mbavha dzisingazivikanwe idzi dzakadzipa Supren Kaima, ndokumubvisa mbatya dzose mushure ndokuzomusiya pedyo neFern Valley Turn-off.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

“Kaima wekuHobhouse aityaira motokari yake yeHonda Fit, ine nhamba dzinoti ADP 6403 achibva kuBirchenough Bridge.

Akazotakura vanhu vatatu asati akwidza mumwe munhu zvakare pa22 Miles mumugwagwa weMutare-Chimanimani Highway.

“Pavakasvika paFern Valley Turn-off, vatatu ava vakakumbira kuti vaburutswe. Mutyairi paakamisa motokari yake padivi remugwagwa, mumwe wevatatu ava akabva amudzipa, ndokumuudza kuti atyaire akananga kuFern Valley.

“Mutyairi akaterera zvainge zvataurwa. Akazonzi amire apo mumwe wevatatu ava akabva atanga kutyaira motokari iyi.

“Akatyaira motokari kwemamita mashoma uye vasvika paDora Turn-off, vatatu ava vakakurura Kaima mbatya dzake dzose, ndokumutorera US$100 nenharembozha mbiri vasati vatiza. Mumwe aive atakurwa mumotokari iyi akakwanisa kupunyuka,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey