Uncategorized

Abirwa mota pakati peguta

25 Apr, 2022 - 06:04 0 Views
Abirwa mota pakati peguta Insp Mukwende

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuGweru anonzi abirwa motokari yake yerudzi rweNissan Hard Body mushure mekunge aisiya iri pakati peguta iri.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende, vanoti motokari iyi, yeruvara ruchena inova yaJoana Marimbe (59), yakabiwa apo akaisiya yakamiswa paGweru Town House isina munhu aiva akaichengeta.

“Motokari iyi yakasiiwa nemusi wa26 Kubvumbi yakamiswa paGweru Town House naJoana Marimbe (59) uye kwaakaenda akanogara kwenguva inoita awa imwe chete. Paakadzoka nenguva dza0800 hours achida kutora motokari yake iyi ine nhamba dzinoti ABP1442, akasvikowana pasisina. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ndokutanga kuferefetwa,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Vari kukumbira veruzhinji vangangodaro vaine ruzivo nenyaya yekubiwa kwemotokari iyi kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

Kune vanoda kubatsira munyaya yekubiwa kwemotokari iyi nedzimwe dzavanoziva kana kuparwa kwemhosva dzakasiyana vanokurudzirwa kuridza nhare dzinoti (054) 2221073 kana 0776 031 578.

“Semapurisa, tinokurudzira kuti vatyairi vasiye motokari dzavo panzvimbo dzakachengetedzeka. Tinokumbirawo kuti vanhu vachengetedze midziyo yavo munguva dzose nekuti makororo ari kurura kuba,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Vanoti nyaya dzekubiwa kwemotokari dziri kuwanda kuMidlands nekudaro panoda mushandirapamwe wemapurisa neveruzhinji kupedza dambudziko iri.

Share This:

Sponsored Links