Abirwa mota pamba, mumwewo avharwa

14 Jun, 2022 - 19:06 0 Views
Abirwa mota pamba, mumwewo avharwa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuAscot, kuGweru anonzi akafuma achiona motokari yake yerudzi rweHonda Fit isipo pamba yabiwa apo ainge akaichengetedza.

Nyaya iyi iri kuferefetwa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti motokari yakabiwa iyi ine nhamba dzinoti ADQ 2368.

“Tine motokari yakabiwa nemusi wa10 Chikumi yeHonda Fit nenguva dza23 00 hours inova yaBlessing Moyomutsva (27) wekuAscot Infill yaiva yakamiswa muchivanze chepamba pake. Ava kunorara, akasiya avhara mahwindo nemadhoo akakiya.

Anonzi akazomuka rechimangwana racho nenguva dza6 apo akaona motokari iyi pasina,” vanodaro Insp Mahoko.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ndokubva yatanga kuferefetwa.

Mune imwewo nyaya, kune murume anozivikanwa nekunzi Taipedza Moyo wekuGweru kwakare anonzi akaenda kuna Ellen Goremusandu ndokumunyengetedza kuti amupe motokari yake kuti anoishandisa achiti aizoidzosa kana apedza basa rake.

“Murume uyu akapihwa motokari yerudzi rweToyota Nadia ine nhamba dzinoti ABR 4000 nemusi wa30 Kubvumbi iyo asina kuzodzosa panguva yavaiva vawirirana. Apedza mwedzi mitatu achingonzvenga kusvikira nyaya iyi yazomhan’arwa kumapurisa,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoti vari kukumbira kune vanoziva kuna Moyo kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kuitira kuti akwanise kusungwa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuba motokari nechikiribidi.

“Tinoyambira vanhu nguva dzose kuti vaone kuti motokari dzavo dzakachengetedzeka uyewo nekuti vasavimbe nevanhu vose-vose pakupanana midziyo sezvakaitwa nemudzimai uyu. Kune vose vanoda kubatsira munyaya idzi vanoridza nhare panhamba dzinoti 054-221073 kana 0778 069 322,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links