Adirwa mafuta anopisa na’madhamu’

11 Nov, 2022 - 18:11 0 Views
Adirwa mafuta anopisa na’madhamu’ Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuZhombe akapiswa nemafuta nemudzimai wake achipomerwa kuita chipfambi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika panzvimbo yemabhizimisi yekwaJoel, kuZhombe nemusi wa30 Gumiguru nenguva dza2 mambakwedza.

“Zvinonzi Taurai Hlala nemudzimai wake, Sobrine Muzioni, vainzwa mimhanzi munhare yaTaurai Hlala. Pakarepo, nhare iyi yakatanga kuburitsa mashoko ezwi remukadzi zvikaita kuti vatadze kuwirirana zvekusvika pakupopotedzana. Mudzimai uyu akazosimuka ndokuenda kuimba yavo yekubikira uko akanofashaidza mafuta ekubikisa ndokudzoka nawo akasvikodira Taurai Hlala uyo akakuvara zvikuru,” vanodaro Insp Mahoko.

Murume uyu akabva aendeswa kuchipatara cheKwekwe asi akasvikodarikidzwa kuSally Mugabe Central Hospital uko ari kurapwa uye anonzi upenyu hwake huri panjodzi.

“Nyaya iyi iri kuferefetwa uye tiri kutsvaga mudzimai uyu akabva atiza paakapara mhosva iyi. Tinokumbira vanoziva kune mudzimai uyu vazivise mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoyambira vakaroorana kuti vasiyane nenyaya dzemhirizhonga kana paine zvanetsa.

“Tinokurudzira vanhu kuti vatsvage vayananisi kana vanetsana pane kurwisana. Nzvimbo dzose dzine vatungamiri, kana kuenda kuvakuru vedzisvondo, masabhuku nemadzishe uyewo nekumapurisa kune chikamu chinodyidzana neruzhinji,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya, kuShurugwi kune murume anonzi akabaiwa nebanga hura hukasara huri panze.

“Mapurisa vari kuferefeta zvakare nyaya yekuedza kupondwa kwemurume ane makore 26 okuberekwa wekwaSabhuku Marishongwe kudunhu raMambo Ndanga, kuShurugwi uyo akabaiwa nebanga hura hukabuda. Murume uyu anonzi akanetsana nevamwe vanhu mushure mekumisa motokari yake zvisinganzwisiswe padyo nemusha wavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa29 Gumiguru nenguva dza9 manheru mumugwagwa weShurugwi-Mhandamabwe.

Zvinonzi Clide Masembu aiva neshamwarikadzi yake apo akanomisa motokari yake panzvimbo inozororera vanhu mumugwagwa (laybye).

Shepherd Phiri (40) wekwaSabhuku Mashoko akaenda kwavari achivabvunza kuti sei vaiva vamisa motokari yavo padyo nemusha wake.

“Pakabuda mumotokari Clide Masembu achiedza kutsanangurira Shepherd Phiri chikonzero chavo, Phiri anonzi akabva abaya Masembu nebanga mudumbu matumbu achibva abuda kunze. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuDonga mupari wemhosva achibva asungwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Masembu akazoendeswa kuchipatara cheGweru uko upenyu hwake hunonzi huri panjodzi.

Phiri akamirira kuenda kumatare edzimhosva nekuda kwemhosva yeedza kuponda munhu yaari kupomerwa iyi.

Share This:

Sponsored Links