Advocate arambwa nemukadzi mudare

16 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Advocate arambwa nemukadzi mudare

Kwayedza

Hazel Marimbiza

MUDZIMAI wekuBulawayo akarambira murume wake mudare achiti haasi kumutengera chikafu nekubhadharira mhuri yake mari yerendi.

Simadingo Mwaka wekuOld Magwegwe akazivisa dare kuti murume wake, Advocate Muzavazi, haana kurongeka uye ari kukundikana kuriritira mhuri yavo.

Mwaka anoti paanoudza Muzavazi kuti amuriritire nevana, anorohwa zvakaomarara.
Anoti aneta nemurume wake uye haachadi chimwe chinhu chine chekuita naye saka anokumbira dare kuti rimubatsire kuti varambane.

Mumagwaro ake emudare anoti: “Ndange ndakaroorwa naAdvocate Muzavazi kubva gore ra2013 uye tikakomborerwa nevana vaviri.

“Anondishungurudza uye ndange ndichingozvidyira mumwoyo kwenguva refu. Haatenge chikafu mumba kana kubhadhara rendi yepamba patinogara.

“Handichada kana nezvake, ndave kuda kugara ndega nevana. Iye zvino ndave kugara ndichitya nekuti anondishungurudza panyama pose pandinomuudza kuti atiriritire.
“Ndinokumbirawo gwaro redziviriro sezvo ndaneta nehunhu hwake.”

Mutongi Jeconia Prince Ncube vedare reWestern Commonage Civil Court vakarasa nyaya iyi sezvo vaviri ava vose vakazvidza dare nekusauya musi waitongwa nyaya yavo.

Share This:

Sponsored Links