Uncategorized

Adzikwa demo atora ‘chimoko’

17 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Adzikwa demo atora ‘chimoko’

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekupurazi reCorn Cob Farm kuUmguza, kuMatabeleland North akapona neburi retsono mushure mekutemwa nedemo mumusoro nemumwe murume aimupomera kumutorera shamwarikadzi yake.

Svondo rapera, Ozias Nyoni (40) anonzi akaona Mkhululi Dube (24) achirezvana neshamwarikadzi yake, Nalibe Moyo (29).
Izvi zvinonzi zvakashatirisa Nyoni zvikuru, uyo aive akabata demo, achibva atema Dube mumusoro naro, anodaro munyeveri anoziva nezvenyaya iyi.

Mumwe munhu ane mwoyo chena wepapurazi apa anonzi ndiye akazotakura Dube nemotokari yake ndokumhanya naye kuchipatara cheMpilo Central Hospital kuti anorapwa.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Nyoni asungwe.
Dube anoti haaonane zvachose naNyoni nekuti anofungidzira kuti mumwe wechikwata chevanhu vakamurwisa nguva pfupi yadarika.

“Ane fungidziro huru yekuti ndini ndakafurira Nalibe kuti varambane, asi chokwadi chiripo ndechekuti pandakamupfimba, akandiudza kuti akange asisadanane naOzias.

“Ane ruvengo neni uye anofungidzira kuti ndiri mumwe wevanhu vaive pachikwata chakamurova, asi handizi,” anodaro.
Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinoda kukurudzira vanhu munharaunda kuti vasatore mutemo vachiuisa mumaoko avo asi kuti kana vatadza kunzwisisana vatsvage vayananisi vakadai sevafundisi, mapurisa kana vamwewo vavanovimba navo munharaunda dzavagere,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>