Adzikwa demo mugakava re’sim card’

02 Jun, 2022 - 20:06 0 Views
Adzikwa demo mugakava re’sim card’

Kwayedza

Zvikomborero Parafini

MURUME wemuHarare amiswa mudare achipomerwa mhosva yekutema mumwe waanoshanda naye nedemo pamhanza mushure mekunge vanetsana pamusoro pe’sim card’ remudzimai wake.

Tendai Tingani haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi apo amiswa pamberi pemutongi Yeukai Dzuda mudare reHarare Magistrates’ Courts.

Anzi adzoke kudare zvakare nemusi wa17 Chikumi apo anenge akavharirwa mutirongo.

Tingani ari kupomerwa kutema Johannes Machiva nedemo pamhanza.

Muchuchisi Anesu Chirenje vanoti nemusi weChipiri nenguva dza7 manheru svondo rino, Tingani akaenda kumba kwaMachiva aine mudzimai wake, Francessa Dhururu.

Pavakasvika, Dhururu anonzi akagogodza pamusuwo, Machiva achibva avhura gonhi.

Tingani anonzi akati aida kuti Machiva adzosere sim card remudzimai wake raanonzi ainge atora.

Tingani anonzi akazotema Machiva nedemo paruoko rwekuruboshwe pamwe nepagokora uye nepamhanza.
Machiva anonzi akabva adonhera pasi sezvo aibuda ropa zvakanyanya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey