Adzingwa basa aramba ‘boss’

20 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
Adzingwa basa aramba ‘boss’

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUDZIMAI ane makore 24 okuberekwa achigara kuBulawayo anoti akadzingwa basa mushure mekunge aramba kupinda murudo nemukuru wepabasa paaishanda uyo aida kuita zvepabonde naye.

Anoti muridzi wepakirabhu paaishanda aimushungurudza nenzira yebonde.

Mudzimai uyu, uyo watinochengetedza zita rake, akaudza dare kuti Tinashe Befura (28) akanga ari mukuru wake pabasa pakirabhu inonzi Township Vibes inova iri panosangana mugwagwa waFife Street na3rd Avenue muguta reBulawayo uye aimukumbira bonde nguva nenguva asi iye achiramba.

Anoti Befura akazosvika pakumudzinga basa nokuda kwekuti akakundikana kuzadzikisa zvishuwo zvake zvepabonde.
Mumagwaro ake ekumatare edzimhosva, mudzimai uyu anoti kunze kwekukumbira bonde, Befura akamubata magadziko pamberi pemakasitoma.

Zvinonzi muzuva risingachazivikanwa nedare asi muri mumwedzi waGumiguru gore rino, mumhan’ari akaperekedzwa nemukoma wake kukirabhu yaBefura.

Befura anonzi akabvunza mumhan’ari kuti aida basa here, iye ndokuti hongu achibva atora nhamba dzake dzenhare.
Befura anonzi akazoshevedza mumhan’ari achimuti auye kuzotanga basa nemusi wa29 Gumiguru uye mushure memasvondo mashomanana, akatanga kukumbira rudo kwaari asi akarambwa.

Zvinonzi nemusi wa30 Mbudzi kuma12 manheru, mudzimai uyu akanga ari pabasa achipa makasitoma ake zvavaida apo Befura akauya achiratidzira rudo rwake urwo rwainge rwusingatambiriki.

Anonzi akaenderera mberi ndokubata magadziko emumhan’ari achibva abva panzvimbo iyi.
Mushure mekuona kuti mumhan’ari akanga asiri kuwirirana nezvaakanga ari kuita, nemusi wa1 Zvita, Befura anonzi akamutumira mashoko panhare yake achimuudza kuti asiye basa.

Anonzi akataura kuti akanga atora danho iri nekuda kwekuti mudzimai uyu airamba kubvuma rudo rwake uye kupinda naye pabonde.

Befura akabva amupa US$20 semari yepeyi yaakashanda mwedzi wadarika.
Mumhan’ari, uyo akaona kuti akanga adzingwa basa nenzira isiri iyo, akabva aenda kunonyora magwaro ekushungurudzwa nenzira yebonde (indecent assault).

Befura akadeedzwa kudare nemhosva yeIndecent Assault pasi pemutemo weSection 67 of the Criminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23 uye haana kupihwa mukana wekubvuma kana kuramba mhosva iyi.
Ari kutongwa achibva kunze apo anotarisirwa kudzoka kudare munguva pfupi inotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey