Uncategorized

Mhiko 23 dzaMadzibaba Ishmael

01 Jan, 2014 - 18:01 0 Views
Mhiko 23 dzaMadzibaba Ishmael

Kwayedza

VANAMATI vepasowe raMadzibaba Ishmael Chokurongerwa, uyo ari kutsvagwa nemapurisa nezita rekuti Madzibaba Ishmael Mufani, kuBudiriro 2, muHarare vanonzi vairarama upenyu hwakangofanana nehwemujeri sezvo vaipihwa mhiko dzinorema zvikuru pakudzitevedza.

Vamwe vainamata pasowe iri vanosanganisira Madzibaba Peter (43) naMadzibaba James (49), vakataura pamusoro pemhiko idzi. Heinoi mimwe yemitemo yacho:

1. Vakadzi nevarume kana vari pamasowe havafanire kupfeka zvipfeko zvemukati

2. Mwanasikana anoongororwa humhandara nababa vake vachipinza minwe kunhengo yake kamwe chete pasvondo.

3. Svondo rekutanga nerekupedzisira remwedzi woga-woga, murume haatenderwe kuenda pabonde nemudzimai wake.

4. Murume akaroora mukadzi asiri mhandara, anofanira kutora muramu anenge ari mhandara kumuita mukadzi.

5. Madzimai haabvisirwe pfuma pakuroorwa.

6. Murume anotongwa nemukadzi haazopinda denga, reCanaan.

7. Mukadzi anoroorwa asiri mhandara simba pamusha haana uye haapinde Canaan.

8. Mudzimai wese anoroorwa ava nevana vanodarika vatatu haazi mudzimai chaiye, Canaan haapinde.

9. Murume chaiye haaite mudzimai mumwe chete.

10. Musikana anofanira kuroorwa asati adarika makore 18 ekuzvarwa, akaroorwa adarika haapinde Canaan.

11. Mwanasikana anotsvagirwa murume kana achida kupinda denga reCanaan.

12. Hakuna mwana ano-pinda chikoro.

13. Musoja, mupurisa kana mukoti anenge ave nhengo yechechi anofanira kubuda basa, opisa yunifomu pamwe nezvitupa zvedzidzo nezvebasa.

14. Vashandi vevhu (CIO) havatenderwe kuve nhengo dzechechi.

15. Kana wana nhengo unopisa chituma.

16. Munamati chaiye anofanira kutsvaga kana kukwereta mari inoshandiswa muchechi, yaasingadzoserwe.

17. Zvitunha zvevana zvinovigwa nevakuru vechechi vabereki nehama vasipo.

18. Hapana anobvumirwa kuterera redhedhiyo kana kuona TV uye mafoni akan’ora.

19. Hapana anofanira kugara muimba yakaiswa samende asi inodzururwa nevhu

20. Hapana anobvumirwa kurara pamubhedha asi pabonde kana rukuti rukukwe.

21. Hapana mutendi anoenda kuchipatara kana arwara.

22. Vanhukadzi vakazvitakura vanosunungutswa kumasowe.

23. Hapana anoenda kubasa asi kugara pasowe uchinamata

Vakataurwa navo vanoti pasowe iri paiva nemamonya anoranga vanenge vatyora mhiko idzi.

Madzibaba Peter vanoti munhu wose ainge abuda pasowe iri aiteverwa achinzi adzoke kana kuti vaimunyengetedza kuti aparadzire shoko remhiko idzi kwese kwavanenge vave kunamata.

Madzibaba James vanoti kune nzvimbo yavakanga vatsvagirwa sevanamati vesowe iri uko vainoita mabasa akasiyana akaita sekutengesa mazai nezvimwe asi mari yacho ichitorwa naMadzibaba Ishmael.

Mumwe aive nhengo yechechi iyi, uyo aidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, anonzi akasara ave rombe mushure mekunge aburitsiswa basa ndokuzonzi anokwereta US$22 000 kubhanga yekutangisa mabasa emawoko echechi.

Pamari iyi zvinonzi hapana chakabuda sezvo yakarovera pasowe apa pamwe chete nemotokari dzake mbiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey