Mapositori akasvina mimba yechitunha

0 Views

Kwayedza

VANHU vagere papurazi reBrucia, kuGlendale, pasi paShe Negomo, kuChiweshe vakaona manenji apo imwe mhuri yeko inonzi yakasvina mutumbi wechitunha chemukadzi akange afa aine pamuviri vachida kuti mwana aive mudumbu abude ari mupenyu.

Pamusoro pezvo, mhuri iyi inonzi yakazoviga mutumbi wemukadzi uyu usiku izvo zvinopikisana netsika dzechivanhu dzeko. Nyaya iyi yatova kudare raShe Negomo.

Ishe Negomo, VaLucious Chitsinde, vakatsinhira kuti nyaya yekusvinwa kwenhumbu yemushakabvu uye kuti mutumbi wake wakavigwa usiku yakatomhan’arwa kudare ravo.

“Nyaya iyi yakasvika mudare rangu zvichinzi chitunha chakasvinwa uyewo kuti chakavigwa usiku. Imhosva huru iyoyo mudunhu rangu, vachauya kudare svondo rinouya paseri votaura nyaya yavo.

“Vanoripa chete nekuti hatidi zvakadaro. Inyaya dzemachechi anotevedza tsika dzakatsveyama,” vakadaro Ishe Negomo. Mutumbi wakaita “mabasa” aya ndewaModester Chitabura (28), mudzimai waJob Masiyambiri avo vanopinda chechi yeJohanne Marange. Mukadzi uyu akashaya aine mimba yemwedzi mitanhatu.

Paakashaya, vananyamukuta vemuchechi iyi vanonzi vakazoedza kusvina mwana kubva mudumbu rechitunha ichi asi haana kubuda wese sezvo akarambira ndokufira pamusuwo. Sabhuku wevo, VaOwen Magomo (37), vakatsinhira nyaya yekuti mutumbi wemudzimai uyu wakasvinwa vanhu vachida kuburitsa mwana aiva mudumbu mechitunha uyewo kuti mutumbi wavigwa usiku.

“Nyaya yekuti mudzimai waJob Masiyambiri, Modester Chitabura, akarwara nemalaria ndokunofira kuchitsidzo, mutumbi wake ndokuzotakurwa ukazovigwa usiku izvo ndinozviziva. Asi zvekuti mutumbi waamai ava vaiva nepamuviri wakazoedza kusvinwa mwana ndakangonzwawo nemakuhwa, handina umboo nazvo,” vakadaro.

Chitabura aiva mudzimai wechipiri waJob pachipari chemadzimai matatu.

Mamwe madzimai aJob ndivahosi Rachel Kamidzi (30) naMaria Karimakwenda (18) uyo anova wechitatu.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi senzira yekuedza kubatsira mwana, vananyamukuta vemuchechi vakasvina mutumbi wechitunha vaine fungidziro yekuti mwana aiva mudumbu aizogona kurarama.

Pamuviri pemudzimai uyu panonzi panga pasvika mwedzi mitanhatu apo akaenda kunogara kuchitsidzo (kumateneti) kupurazi reForder, uko madzimai emuchechi iyi akazvitakura anonosunungukira.

Mukadzi uyu akafa nemusi weChitatu svondo rapera ndokuvigwa remangwana racho.

Zvinonzi pakuita kwevamwe vechechi iyi, izvo zvisina kutsinhirwa nechechi yacho, mudzimai akafa aine pamuviri mwana anoburitswa mudumbu maamai vake, mitumbi yavo yovigwa mumakuva akasiyana.

Job paakabvunzwa neKwayedza nemusi weChishanu svondo rapera, akaramba nyaya yekuti mutumbi wemudzimai wake wakasvinwa mwana uyewo nekuti vakamuviga usiku. “Nyaya idzi dziri kugadzirwa nevanhu vandinogara navo muno, hamheno kuti vari kuzviwana kupi. Mukadzi wangu akafira kuchitsidzo kupurazi reForder, tikatakura mutumbi tikasvikotaurira sabhuku wedu ndokuzivisa Ishe Negomo kuburikidza nemakurukota avo. Zvekuti mwana akasvinwa kunyepa.

“Takazoviga mutumbi zuva rodoka mambo vatibvumidza, zvisinei nekuti vaida kuomesa zvinhu ndisabhuku vedu nevamwe vavo. Nyaya yainetsa ndeyekuti kuno kuBrucia hatina nzvimbo yekuviga vafi apo vekwaSabhuku Mukoko vairamba kuti tivige ikoko,” akadaro murume wemufi. Anoti hapana chaanoona sechakanganiswa pamafambisirwo akaitwa zvinhu kusvika pakuvigwa kwemudzimai wake.

“Mutumbi wemudzimai wangu takazouviga kuMukoko grave yard tawirirana nasabhuku weko pamwe chete naIshe Negomo zvisinei kuti vanhu vakaedza kukanganisa rufu rwemudzimai wangu, vamwe vachitoridzira nhare muridzi wepamba pandinochengeta, VaWilbert Maramwidze, avo vakarambawo kuti ndivige mudzimai wangu muchivanze chemusha wavo,” akadaro.

Mukoma waJob, Thomas Foya Masiyambiri (48), akarambawo nyaya iyi. “Mutumbi hauna kana kumbosvinwa sezvinotaurwa izvi. Takauviga wakadaro kwete usiku asi takauendesa kumakuva na5 zuva rodoka,” vakadaro. Vakataurwa navo, kusanganisira Sabhuku Brucia, vanoti mutumbi uyu wakavigwa kuma9 usiku. Asi munin’ina waJob, Macnon Masiyambiri (43), akati mashoko ose anotaurwa aya ndeekunyepa, ekuda kuti vabatwe nemhosva.

“Pakashaika maiguru vangu paiva nananyamukuta vana vekuchechi avo vasina kumbobvira vakaita zvakadai. Kunonoka kuviga mutumbi taikakavadzana tichinzi hataifanirwa kuvaviga kuMukoko,” akadaro.

Anoti vakatombomira kuchera guva patanga makakatanwa aya, vakazofambira mberi nekuchera mushure mechinguva.

Mumwe munin’ina waJob, Joshua Masiyambiri (38), akatsinhirawo zvimwe chetezvo. Vemhuri iyi vanoti vasati vaviga mutumbi uyu kwakatanga kwanosumwa kumasvikiro nemidzimu yekwaNegomo iyo inonzi yakazobvuma kuti zviitwe.

Sabhuku Mukoko, VaChampion Muchenje (62), vakati nyaya iyi havana ruzivo rwakakwana nezvayo sezvo pazvakaitika vaive vasipo.

Share This: