Afa achifara nemukadzi weku’next door’

10 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Afa achifara nemukadzi weku’next door’ Petronella Musanda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuChitungwiza anonzi akafa svondo rapera apo aidya nyika rutivi nemukadzi anoita basa rekutengesa muviri uyo anogarawo munharaunda.

Mukadzi wekufirwa nemurume wemuridzi ari mumba make vachisasana uyu anogunun’una kuti mushakabvu akange asati amupa mari yake “yebasa” paakangoti zii, ndiye munhu sarai.

Petronella Musanda (27) wekuZengeza 5, anoti akawirirana naDenis Chikabura (46) kuti vanomboita rudo kwenguva pfupi achizobhadharwa US$5.

“Pandinogara nevana vangu vatatu nehanzvadzi pamba pevabereki vangu. Amai vakasiyana nababa uye vari kugara kuBulawayo kuchiti baba vari kuSouth Africa.

“Musi uyu, ndakawirirana naChikabura kuti auye kumba tisasane kwenguva pfupi. Akasvikopinda mumba meroja redu randinowirirana naro rinonzi Tafadzwa Mugwagwa (28) umo Tafadzwa akazobuda ini ndokupinda nechikomba changu,” anodaro Musanda.

Anoti vaingova nemazuva mana bedzi vazivana nemurume uyu uyo aigarawo munzvimbo imwe chete yeZengeza 5.

“Ndakatsvaga dziviriro kuna Tafadzwa ndichibva ndamupa akapfeka ndichiti tifare asi kusina nguva, ndakanzwa mumwe wangu ava kufemuruka nekugwinha-gwinha. Ndakazomuradzika padivi pangu ndaona asisina simba ndokushevedza Tafadzwa kuti azoonawo zvaiitika.

“Akauya ndikamupfekedza murume uyu bhurugwa tikazoenda kumba kwake nehanzvadzi dzangu sezvo taikuziva kunozivisa hama dzake.

“Tafadzwa akamhanyirawo kumapurisa tikatakura Chikabura kumuendesa kuchipatara,” anodaro Musanda.

Petronella Musanda

Anoti vakazonzwa kuti murume uyu ainge atofa kare.

“Zvakandivhundutsa kusvika nanhasi, kuti munhu anofa tichifara tose saizvozvo, uye zvinonyadzisa kuti munhu afira kugirlfriend. Hamheno kuti akaita sei, asi zvinonzi paongororo yekwachiremba akafa nemabayo.

“Kunhamo kwacho handina kuenda nekutya uyewo nekuvhunduka, kwakaenda hanzvadzi dzangu naTafadzwa sahwira wangu. Ini ndichazoenda hangu kunobata mawoko kana zvinhu zvadzikama,” anodaro.

Musanda anoti semunhu anotengesa muviri, ave kuda kusiya basa iri otsvaga zvimwe zvekuita zvichitevera tsekwende yaasangana nayo yekufirwa nemurume iyi.

“Nyaya iyi yandipinza parumananzombe zvisinei kuti handina mhosva hangu. Ini handina kuuraya munhu, asi inyaya inongorwadza. Dai ndawana zvimwe zvekuita pakuzviriritira ndaisiya izvi, asi handina mari yekutanga bhindauko.

“Dambudziko randatarisana naro nderekuti kune vanhu vari kundituka panhare, vamwewo vachitsvaga rudo kwandiri zvichitevera nyaya iyoyi.”

Musanda anoti vabereki nehanzvadzi dzake vanga vasingazive kuti ndizvo zvaanoita.

“Kutsvaga kuriritira vana vangu sezvo baba vevana vangu vasingachengete mhuri, saka kutsvagawo mari. Chikabura akafa nemari yangu uyo wandakanga ndangova nemazuva mana ndazivana naye.

“Vanhu vari kundituka kuti ndini ndakauraya murume uyu asi handizvo sezvo nguva yake yakanga yakwana. Hamheno kuti akanga adya mushonga here kana kunwa mapiritsi, ini handizvizive.”

Anoti anoda kuchenurwa kuti mweya waChikabura ubve paari zvose nemumba mavo umo maakafira.

Tafadzwa Mugwagwa

Mugwagwa, uyo anoroja imba yakafira murume uyu, anoti haachada magumbeze nemubhedha zvakashandiswa nevaviri ava achiti zvinomupa munyama.

“Kubva pakafira murume uyu mumba umu, handina kuzobvira ndamupinda, ndiri kutya uye ndiri kurara mudining. Ndinoda kuti hama dzemurume uyu dzitore magumbeze avaiva vakararira zvose nemubhedha wacho vonditengera zvitsva nekuti izvi zvasviba, zvakafira hama yavo.

“Tichagara pasi nemusi weMugovera uri kutevera nemhuri iyi. Ndinodawo n’anga dzinogona dzichenure mumba mangu makafira murume uyu,” anodaro Mugwagwa.

Anoti Chikabura aiva awirirana naye kuti amubhadhare US$3 yekushandisa imba yake zvose nemubhedha wake.

“Akafa asina kundipa mari yangu,” anodaro Mugwagwa.

VaTirivangani Chikabura (34), uyo vanova munin’ina waDenis Chikabura, vakaramba kutaura neKwayedza apo vakaridzirwa nhare nekuda kwenyaya ino.

“Handina zvekutaura panyaya iyi, tichiri kuchema. Kubuda kwenyaya iyi mumapepa kana kurega, hazvina mhosva,” vanodaro VaTirivangani Chikabura.

Mutumbi waChikabura wakatovigwa kumakuva ekuZororo pedyo neChitungwiza.

. Onai zvakawanda pa: www.kwayedza.co.zw

Share This:

Sponsored Links