Afa adhirikirwa nevhu achikanya zvidhinha

13 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Afa adhirikirwa nevhu achikanya zvidhinha Mutumbi wakafukidzwa nemachira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuEyrecourt iri kuWaterfalls muguta reHarare afa nhasi mushure mekudhirikirwa nevhu rechuru apo anga achikanya zvidhinha nevamwe vake vashanu.

Mushakabvu uyu, Wellington Makusha Mwenye (32), ange achishanda semurindi paimwe kambani asi achizokanya zvidhinha panguva isiri yebasa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vanoda nguva yekuronda mamiriro enyaya iyi.

“Regai titsvage chaizvo zvaitika munyaya iyi, tichadzoka kwamuri,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Kwayedza yasvika pafira murume uyu ikawana paine mapurisa vanga vakarindira chitunha pamwe chete nevamwe vanhu vachimirira kutakurwa kwemutumbi kuendeswa kumochari.

Vanhu panhamo

Sachigaro wenzvimbo iyi vanova branch chairman, VaPrince Musarime (25), vanoti varwadziwa zvikuru nerufu urwu.

“Ini ndazoshevedzwa murume uyu atofa akatotsitsirirwa panzvimbo yamuri kuona ine chitunha iyo. Zvinonzi atobva kubasa kwake kwaanova gadhi ndokuuya pachuru apa mangwanani kuma7 aine vamwe vake vashanu vaanoshanda navo kuzoita basa ravo rezvidhinha.

“Vanonzi vatanga kutimba churu vose kusvikira kuma9 mangwanani pazodhirikirwa murume uyu ndokurohwa nezivhinga hombe kumusana akakotama achibva angopunzikira pasi ndokufa,” vanodaro VaMusarime.
VaLangton Zhou (32) vanove mukoma wemushakabvu vanoti vazongotaurirwa kuti munin’ina wavo afa nekudhirikirwa nevhu.

“Kurasikirwa kukuru semhuri nekuti munhu akaroora ane mudzimai nevana vaviri,’ vanodaro VaZhou.
VaSamuel Ngwere (52) avo vane pamba panove pedyo nechuru chadhirikira mufi uyu vanoti varwadziwa zvikuru nechiitiko ichi.

“Varume ava vanogara vachikanya zvidhinha pachuru ichi muchirimo choga-choga senzira yekuzviriritira uyewo nekuvaka misha yavo. Vauya mangwanani kusanganisira ashaika uyu achitobva kubasa kwake ndokutanga kuchera ivhu apo azodhirikirwa kuma9 achibva angofa,” vanodaro VaNgwere.

Mai Muchanyara Gumbeze Ngwere (39) vanotiwo: “Tichamira nemhuri iyi kusvikira pakuviga mufi uyu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>