Afa adutira vhuka-vhuka

18 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Afa adutira vhuka-vhuka Mapiritsi ekusimbisa bonde

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME wekuChipinge anonzi akanwa mapiritsi akawandiswa ekusimbisa ebonde, Viagra, asi ndokufa asati asasana nemudiwa wake.

Charles Chikandiwa anonzi akapunzika ndokufa apo aizvibatsira asati awana nguva yakanaka nemudiwa wake ane makore 52 okuberekwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo vanotsinhira nyaya iyi.
Zvinonzi Chikandiwa wekuChipinge Low Density akamisa motokari yake pedyo nerwizi rweBudzi kuti azvibatsire.

Zvisinei, akabva adonha apo mudiwa wake, uyo akangozivikanwa saAgnes, akazomhanya kunomhan’ara kumapurisa. Chikandiwa akazoendeswa kuchipatara cheChipinge District Hospital uko akasvika achinzi ainge atofa kare.

“Chikandiwa akatora mumwe mukadzi anogara kwaGaza ndokuenda kupurazi reChipinge. Akamisa motokari yake pedyo nerwizi rwaBudzi kuti azvibatsire.

“Ari kunze kwemotokari, akatanga kugomera achibva adonha.

“Agnes akabva amhanyira kumapurisa vachibva vaenda panzvimbo iyi. Chikandiwa akaendeswa kuchipatara cheChipinge District Hospital uko akasvika achinzi ainge afa,” vanodaro Inspector Muzondo.

Mashoko ari kutenderera muChipinge anoti Chikandiwa akanwa mapiritsi akawandisa eViagra.
“Tinonzwisisa kuti anga atyaira kuenda kunzvimbo yakavanzika kwenguva yakati rebei aine shamwarikadzi yake kuti vawane mukana wekusasana. Tinonzwa zvakare kuti shamwarikadzi iyi yakadzingwa nehama dzaChikandiwa parufu rwake.

“Taimuziva semunhu akanaka chaizvo akasandura dunhu rino samaneja weimwe kambani. Zvisinei nekuti aive nebarika, aive nedzimwe shamwarikadzi dzakawanda,” anodaro mumwe mugari wekuChipinge uyo akakumbira kuti zita rake risaburitswe.

Imwe hama yemushakabvu isina kuda kuti zita rayo riburitswe inoti Chikandiwa akadonha pedyo nelodge yeko mumugwagwa weChipinge-Mt Selinda.

“Akange ari mutano uye aisaratidza kurwara.
‘‘Anonzi akabva pamba akagwinya, achityaira motokari yake. Taifunga kuti akanga angodonha obva azobengenuka, asi akakundikana. Hama yedu yakadonha iine shamwarikadzi iyo yatakadzinga pakuvigwa kwake,” anodaro.

Chikandiwa akaradzikwa kumusha kwake kuWedza, Mashonaland East, kutanga kwesvondo rino.

Share This:

Sponsored Links