Kingstone Mapupu
MHURI inobva kwaSabhuku Mutsvakiwa kudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe inoti ine kutya kukuru zvichitevera kufa nenzira dzinoshamisa kwemwanasikana wemumusha uyu asina kurwara uyo aiva akaroorwa mushure mekubuda pachena kuti aiva akaromba nekuda kupfuma nekutengesa zviwitsi nemabhisikiti.
Mai Dziidzai Makara (43) vaigara kuRimuka kuKadoma, avo vaiita basa rekuhodha zviwitsi nezvimwe zvinhu vachitengesa, vanonzi vakasiya vanyora tsambanhare kuhama dzavo vachiti vakanga vazvipira kufa sezvo vakanoromba masimba ekumvura emanjuzu kuti vakwanise kupfuma chimbi-chimbi.
Mudzimai uyu aitengesa zviwitsi nemaZap Knacks nemumwe mukadzi waanonzi akanoromba naye aigarawo kuKadoma uye vose vanonzi vakashaika mazuva akatevedzana svondo rakapera.
Mai Dziidzai Makara vanonzi vakanofira musango kurwizi rwaMuzvezve vaine bhegi raiva rizere zvikwambo zvavo.
Bhegi iri rinonzi raivawo nemachira matema nenhekwe dzebute izvo vaida kunorasa mumvura uko vakabva vafira.
Mutumbi wavo wakazoonekwa nevana vaitsvaga huni musango watowora mushure memazuva.
VaHenry Makara (59), hanzvadzi yemushakabvu avo vanogara kuNyatsime kuSt Marys kuChitungwiza, vanotsinhira kufa kunoshamisa kwehanzvadzi yavo iyi.
“Ndizvo zviripo, hanzvadzi yangu Dziidzai Makara aigara nemurume wake kuKadoma achiita zvekutengesa. Ndakazofonerwa namukoma wangu Oliver Makara achitaura kuti Dziidzai akashaika uyo akanofira musango achitiza zvikwambo zvake izvo aida kunorasa mumvura sezvo akanga anotora masimba ekumvura kuti apfume nekutengesa zviwitsi,” vanodaro VaMakara.
Vanoenderera mberi vachiti: “Hanzvadzi yedu akasiya atumira mashoko panhare kuhama achitaura kuti akanga aenda kun’anga yekuChegutu ndokunopihwa zvikwambo zvekuti aite pfuma. Pamhiko dzaakapihwa, akanzi auraye munhu ari pamoyo pake, kusanganisira murume wake kana mwana wake mukomana anova iye woga. Saka anonzi akaoneswa vanhu ava pagirazi kun’anga kuti abaye mumwe wavo afe izvo akatadza kuzviita zvakabva zvaita kuti akanganise mhiko dzake.”
Vanoti akatomboedza kuisira muchetura murume wake achida kuti afe asi zvakaramba.
VaMakara vanoti hanzvadzi yavo mukurarama haana kumbobvira akabuda pachena kuti aiva akaromba.
“Pane zvakanga zvava kumunetsa mukurarama izvo asina kutaurira hama nekuda kwezvikwambo izvi. Aihodha zviwitsi, masaga nemasaga achitakurisa nemamwe mabhazi anoshandisa mugwagwa weHarare-Bulawayo. Chinonetsa semunhu aiita zvemanjuzu, zvimwe zviwitsi izvi vaikanda mumvura kunzizi dzakasiyana zvaisanganisawo mabhisikitsi, doro remawine nezvimwe,” vanodaro VaMakara.
Vanoti hanzvadzi yavo yaikwereta mari kuvanhu vakasiyana yekuhodha zviwitsi nezvimwe izvo vainokanda mumvura kunzizi.
“Takasiirwa zvikwereti zvemari inodarika US$1 000 kubva kuvanhu vakasiyana. Bhegi rake raiva nezvikwambo, midende, bute, zvuma, tsono, machira nezvimwe takazofamba kumaporofita matatu nekumwe kuchechi yeNguwo Tsvuku avo vakazoenda nedzimwe hama ndisipo zvikanoraswa kumasango ekurwizi rwaMuzvezve uko vanhu vakanorara,” vanodaro VaMakara.
Vanoti vave kutya kuti zvinhu zvakasiiwa nehanzvadzi yavo izvi zvichavapedza.
“Mukuwasha aidawo kuuraiwa nehanzvadzi yedu takataura naye achiratidza kutya zvaida kuitika izvi tikanzwisisana. Ndinokurudzira vanhu kuti vaite pfuma yekushandira kwete kuromba. Hanzvadzi yedu aida kutipedza sekutaurwa kwazvakaitwa nemamwe maporofita,” vanodaro VaMakara.
VaMakara vanoti zvisinei nekuti hanzvadzi yavo yaiita bhizimisi iri. hapana chinobatika chaaiva nacho mukurarama.
Vanoti semhuri, vakamirira kuzoungana vofamba pamwechete nekuda kwedambudziko iri.
Mutumbi wemudzimai uyu wakazovigwa kumakuva ekuRimuka, kuKadoma nembatya dzake dzose pasina chakasara kunze.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti vanoda nguva ykuronda zvizere nyaya yemafiro akaita mudzimai uyu.
VaAbel Chigwende (49), murume waDziidzai Makara, vakataurwa navo panhare vakatsinhira nyaya inoshamisa iyi yefiro yemudzimai wavo.
“Dziidzai Makara aiva mudzimai wangu wechipiri wandakagara naye kwemakore mashanu. Aida kuuraya ini nemwana wake kuti aite mari nenzira dzekuromba, zvikwambo zvake zvakazotorwa nemaporofita eNguwo Tsvuku zvikanoraswa kumasango ekurwizi kunaMuzvezve,” vanodaro VaChigwende.
Murume uyu anoti aiva achiri kubatwa nekutya kukuru.
VaGeorge Kandiyero vanova mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZinatha vanoyambira veruzhinji nekuda kwevamwe vanhu vari kupinzwa munyaya dzemanjuzu vachiti vari kurombeswa vasingazvizive.
“Taita dambudziko guru ren’anga dziri kurombesa vanhu, zvikuru madzimai echidiki nevarume vacho vari kupinzwa muzvikwata zvemanjuzu. Munhu wese ava kuwanikwa aine nhekwe nemachira vanhu vachinopinzwa mumadziva umo vamwe vanofira. Ngatingwarirei nyaya dzanetsa idzi dzemanjuzu, vanhu vachinzi vanowana mari,” vanodaro VaKandiyero.