Afa asvetuka mumota iri kufamba

06 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Afa asvetuka mumota iri kufamba Insp Abednico Ncube

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuCowdray Park, kuBulawayo akafa mushure mekusvetuka kubva murori range richimhanya.

Mumwe ane ruzivo nezvenyaya iyi anoti Bruce Ncube (uyo makore ake ekuberekwa asina kuziviswa) akakwira rori iri kunzvimbo yeEsigodidweni kuCowdray Park nechinangwa chekuenda kumusha kwake kuTshampu kuRedbank, mudunhu reUmguza kunoona hama dzake.

“Nenguva dza9pm neChishanu svondo rapfuura, Ncube akatakurwa nemutyairi werori aine mumwe wake kunzvimbo yeEsigodidweni. Ncube nemumwe wake vakagara kumashure kwerori iri,” anodaro.

“Mutyairi werori aienda kuKhami kunotora jecha. Pavakasvika mumusha waTshampu, mutyairi akamisa motokari uye paakatarisa kumashure kwerori, kwakanga kusisina munhu. Mushure mezvo akaenderera mberi nerwendo rwake sezvo akafunga kuti Ncube nemumwe wake vainge vasvetuka kubva murori nechinangwa chekuti vasabhadhare mari yekutakurwa kwavainge vaitwa.”

Musi iwoyo kuma11:30pm, mutyairi werori iri anonzi akazodzoka nemugwagwa mumwe chete uyu uye paakanga ave chinhambwe kubva pachiteshi chebhazi paRedbank, akaona mutumbi waive pakati pemugwagwa achibva amisa motokari.

“Akaburuka murori akabva arohwa nehana paakaona kuti chaive chitunha chaNcube. Mushure mezvo akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaCowdray Park,” anodaro.

Mutumbi waNcube wakazoendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinoyambira veruzhinji kuti vachengetedzeke upenyu hwavo kubudikidza nekusasvetuka mumotokari dzinenge dzichimhanya nekuti zvinogona kukonzera kurasikirwa neupenyu sezvakaitika kunaBruce Ncube,” vanodaro.

Ncube anonzi akasvetuka murori iri apo raimhanya zvikaita kuti afire panzvimbo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey