Uncategorized

Afa haamuke: Dr Masuka

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Afa haamuke: Dr Masuka Dr Masuka

Kwayedza

Munyori weKwayedza
VOTAURA pamusoro pemurume ari kuti akambofa akamuka uyu, mukuru wechipatara cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka, vanoti hakuna munhu anofa achimuka.

“Munhu haafe achimuka sezvinotaurwa izvi. Nekuoma kwezvinhu vanhu vave kuita zvose-zvose kuti mugovatambira muchiti vane masimba akawedzerwa. Mazuva ano kune mafoni, pane vakatora here mifananidzo nemavhidhiyo munhu ari kuzviti mwari uyu akafa? Vanhu ngavangwarire kutsotswa,” vanodaro Dr Masuka.

VaPatrick Kapfunde (51), avo vanova n’anga kuMt Darwin, vanoti pachivanhu munhu anogona kufa achimuka.

“Munhu akarohwa nezvidhoma anokwanisa kufa oita mazuva achizomuka kana apfungaidzwa mbanda. Kana munhu achida kubatwa nemidzimu mikuru, izvi zvinoitika zvakare. Anokwanisa kufa kwenguva ingaite svondo, ozomuka ava chisikwa chitsva. Munototanga kufamba mobika bira, musi unotambwa doro munhu iyeye anomuka. Saka izvi zvinoitika pamweya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links