Afa vachirwira ‘snooker’

14 Mar, 2023 - 15:03 0 Views
Afa vachirwira ‘snooker’ Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki wemubhuku raSangoramambo, kwaMambo Bushu, kuShamva, akafa abaiwa nebanga nemumwe wake apo vairwirwa mutambo wesnooker uyo wavaitamba.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti Gilbert Chibanda (23) akabaiwa nebanga naLearnmore Dzuda (32), uyo anogarawo mubhuku raSangoramambo.

Sgt Major Chikasha vanoti nemusi wa11 Kurume nenguva dzemanheru, vaviri ava vaitamba snooker patuckshop yaChristopher Zihowa (47) wekwaSabhuku Masanga.

“Gilbert Chibanda naLearnmore Dzuda vaitamba snooker patuckshop yaChristopher Zihowa apo vaviri ava vakatanga kusawirirana nekuda kwematoken esnooker. Vakabva vatanga kurwisana zvikazoita kuti Christopher Zihowa abude mutuckshop achida kuvadzivirira,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Vanoti Dzuda paakaona muridzi wetuckshop achienda kwavari, akabva asandudzira Chibanda akapunzikira pasi ndokutora banga kubva muhomwe make achibva abaya Zihowa pagokora.

“Paakapedza kubaya Zihowa, akadzokera kuna Chibanda uyo aiva achakangorara pasi akatarisa mudenga achibva amubaya kamwe chete pachipfuva kudivi rekuruboshwe. Dzuda akabva atiza achisiya Chibanda achibuda ropa rakawanda akabva angofira panzvimbo.

“Zihowa akazoendeswa kuchipatara cheShamva uko akanorapwa akaburitswa uye upenyu hwake huri pakanaka,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Mutumbi waChibanda wakazoendeswa kumochari yechipatara cheShamva.

Mapurisa vari kuferefeta nyaya iyi apo Dzuda ari kutsvagwa nemhosva yaari kupomerwa yekuponda.

“Tiri kutsvaga Learnmore Dzuda nemhosva yekuponda. Mhosva hairovi, anobatwa chete,” vanodaro.

Vanoyambirawo veruzhinji kuti kana vatadza kunzwanana, matambudziko ngaagadziriswe nekutaurirana votsvaga vayananisi vakaita sevanhu vakuru, masabhuku nemadzishe emumatunhu avanogara.

Share This:

Sponsored Links