AFC Insurance yofamba nevarimi

10 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
AFC Insurance yofamba nevarimi Varimi vachitaridza cheki yavo yeUS$123 903,00 kuRushinga

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KAMBANI yeAFC Holdings yakabatana nemamwe makambani einishuwarenzi pamwe neHurumende kuvamba chirongwa chekuripira varimi kana vasina kuwana goho ravanenge vakatarisira cheArea Yield Index Insurance icho chakatanga nevakapihwa zvekushandisa zvePfumvudza mumwaka wa2021/2022 kumatunhu eRushinga neMwenezi.

Chirongwa ichi chiri kuongororwa nekunzverwa nerubatsiro kubva kuPULA inova inobatsira nemazano.

Varimi vekuRushinga nekuMwenezi vakatopihwa mubhadharo weUS$123 903,00.

Mubhadharo uyu wakapihwa kuvarimi vari muchirongwa ichi vane goho riri pasi peraitarisirwa pahekita yega-yega.

Area Yield Index Crop Insurance ine chinangwa chekubatsira varimi kubva kumatambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze ayo anogona kuita kuti varasikirwe negoho ravo.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi kuRushinga nguva pfupi yadarika, munyori mukuru mubazi rezvekurima, Dr John Basera vanoti: “Chirongwa chePfumvudza/Intwasa Inputs Insurance Pilot chakabudirira uye tinotarisira kuti chive kuvarimi vose vari pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa nekufamba kwenguva.

Dr John Basera

“AFC Insurance Company ine basa guru rekuchengetedza varimi vose kubva kumatambudziko anokonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze uye tichavatsigira.”

VaFrancis Macheka

AFC Holdings Group Chief Executive Officer, VaFrancis Macheka, vanoti: “Kambani yeAFC Insurance iri kufara chaizvo kubatsira munyaya dzekuti vanhu vagare vakaguta uye kufambisa hurongwa hweVision 2030. Tiri kufamba nezvirongwa izvi kuti AFC Insurance itekeshere nyika yose pakupera kwa2023.”

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey