Afcon: Ngatirongekei

21 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
Afcon: Ngatirongekei

Kwayedza

Abel Ndooka

VARAIRIDZI nevatsigiri venhabvu votambira nemufaro mukuru draw rekurwira kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon) 2023 iro rakaona Zimbabwe ichiiswa muboka Group K pamwe chete neMorocco, South Africa neLiberia.

Muboka iri muri kutarisirwa kubuda zvikwata zviviri zvichaenda kumutambo mukuru wenhabvu wemuAfrica uyo uchatambirwa kuIvory Coast gore rinotevera.

Murairidzi wenhabvu ane mukurumbira, Luke ‘Vahombe’ Masomere, anoti maWarriors anogona kukunda chero chikwata chipi chemuAfrica asi hunge kana akarongeka chete.

Anoti gadziriro dzekuenda kuIvory Coast dzinofanirwa kutanga izvezvi kwete kumirira mazuva ekupedzisira.

“Draw takariona rakanaka chose, Zimbabwe tinotokunda zvikwata zvose zviri muboka redu, topedzerana nazvo zvose uye tiri kutoenda kuIvory Coast.

“Chinhu chikuru chatinofanirwa kuita kurongeka chete, totanga kuita gadziriro dzedu pachiri nenguva chete.

Kazhinji tinozvikanyira zvinhu zvedu toga nekusarongeka, saka ngatirongeke tigoenda kuIvory Coast,” anodaro Vahombe. Kuchiti murairidzi weCranborne Bullets, Nesbert ‘Yabo’ Saruchera, anoti mazuva ano hakuchina chikwata chinonzi chiri muAfrica sezvo zvose zvichitamba nhabvu yepamusoro.

“Tichitarisa muboka redu, zvikwata zvese zvatichasangana nazvo tinozvikunda, hapana chatinofanirwa kutya. Patichasangana nazvo tinofanirwa kuhwina mitambo yedu yose yemuno tozoenda kwavo kunorwa kuti tibve tiine chibodzwa chete, tikadaro ndinoona tichibuda muboka iri tichienda mberi,” anodaro Yabo.

Mutsigiri mukuru wenhabvu, Adomsi Mukwasi, anoti Zimbabwe yatove netikiti rekuenda kuIvory Coast gore rinotevera.

“Tichitarisa zvikwata zvese zvatichasangana nazvo, hapana chingativhundutse kubva pane South Africa, Liberia kana iyo Morocco. Tiri kufanirwa kungorongeka chete,” anodaro Mukwasi.

Aimbove sachigaro weBlue Swallows, Public Mpofu, anotiwo draw rakanaka uye chiri kungodiwa kuti gadziriro dzechikwata chenyika dzitange paine nguva kuitira kuti pasawane chinokanganisa mafambiro achaita mitambo yemaWarriors.

“Draw rakanakisa chaizvo asi chinhu chinongodiwa chete kurongeka, toita gadziriro nguva ichiripo. Pasina izvozvo hapana kwatinoenda, ngatigadzirire pachiri nenguva,” anodaro Mpofu.

Zvakadaro, sangano reConfederation of African Football (CAF) rakazivisa kuti riri kupa Zimbabwe masvondo maviri ekuti idzorere vatungamiriri veZifa pabasa zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa vachipomerwa kusaita basa ravo zvakanaka uye kana izvi zvikasaitwa maWarriors anobva aburitswa mumutambo weAfcon.

Nekune rimwe divi, gurukota rezvemitambo nevechidiki, Dr Kirsty Coventry, vanoti mamiriro ezvinhu zvichitevera zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nesangano rinoona nezvenhabvu pasi rose reFifa achazivikanwa munguva pfupi iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links