
Abel Ndooka
VATSIGIRI venhabvu vakagamuchira nemufaro draw remutambo weTotal Energies Africa Cup of Nations 2025 iro rakaitwa nemusi weMuvhuro uno kuRabat kuMorocco.
Draw iri rakaona chikwata chenyika chemaWarriors, icho chinorairidzwa naMichael Nees, chichiiswa muboka rine zvikwata zvinoti Egypt, South Africa neAngola muGroup B.
Mutambo weAFCON wegore rino uchatanga musi wa21 Zvita uchizopera musi wa18 Ndira muna2026.
MaWarriors ari kudzokera kumutambo uyu uyo akapedzisira kuenda mugore ra2021 kuCameroon
achirairidzwa naNorman Mapeza.
Vatsigiri vazhinji venhabvu vari kurumbidza draw iri vachiti maWarriors ane mukana mukuru wekusvika kure kumutambo uyu.
Mutungamiri wevatsigiri venhabvu munyika – Adomsi Makosi Mukwasi – anoti muboka rakaiswa maWarriors hamuna chikwata chinotyisa.
Anoti chinodiwa chete kuti maWarriors asimbise gadziriro dzawo kutanga iye zvino.
“Draw takariona uye tikaritambira zvakanaka. Tichitarisa mamiriro arakaita zvikwata zvatichasangana nazvo, kana takasimba chaizvo hapana chinombotityisa, zvese tinopedzerana nazvo.
“Chinongodiwa chete kugadzirira zvakasimba, kuita gadziriro dzedu paine nguva togara takasimba,” anodaro Mukwasi.
Mukwasi anoti kutanga iyezvino kusvika panotambwa mitambo yeAFCON, Nees anofanirwa kupihwa rutsigiro rwakasimba urwo rwunosanganisira kuwaniswa mukana wekutamba mitambo yehushamwari nezvikwata zvakasiyana.
“Kuzoona tasvika pachatanga mitambo yeAFCON, pachiri nenguva saka iyezvino Nees anofanirwa kupihwa zvose zvaanoda kuti agovaka chikwata chakasimba uye kumurongera mitambo yehushamwari apote achitamba nezvikwata zvakasiyana achiongorora vatambi vake,” anodaro Mukwasi.
Mashoko ake anotsinhirwa nemunyori mukuru wesangano reFriends of the Warriors – Zivanai Muwashu – achiti munhoroondo yenhabvu, maWarriors aitombokunda zvimwe zvikwata zvaakaiswa muboka rimwe nazvo kuAFCON.
Anoti vatsigiri venhabvu rwendo runo vari kushuvira zvikuru kuona chikwata chavo chichisvika kure kumutambo uyu kwete kungoperera muboka raanenge ari.
“Uyu mukana wedu wekuti timbosvika kure mumutambo uyu, kana tikagadzirira nemazvo tinosvika kure.
“Rwendo runo tiri kuda kuona chikwata chedu chichisvika kure kwete kungoperera muboka ravanenge vaiswa.
“Egypt haisi kutamba sezvayaisimboita kare, South Africa hainzwisisike kuchiti Angola yangove zita chete saka apa tine mukana mukuru uyo tinofanira kuushandisa nemazvo,” anodaro Muwashu.