Afira kubata musikana mazamu

11 Jun, 2022 - 13:06 0 Views
Afira kubata musikana mazamu Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekwaMambo Musikavanhu kuChisumbanje, kuChipinge ari kupomerwa mhosva yekuponda mukomana ane makore 17 okuberekwa mushure mekunge abata mazamu nemagadziko emuzukuru wake ane makore 14.

Mutumbi waKudakwashe Nyamunda unonzi wakawanikwa uri musango mushure mekunge akuvadzwa zvakanyanya mumusoro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika kwaSabhuku Chidzirurwi.

Bonface Mudhumbu (39), uyo ari kupomerwa kuponda Nyamunda, akatosungwa uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Nomusi wa1 Chikumi, muzukuru waMudhumbu anonzi akamuudza kuti Nyamunda ainge amubata mazamu nemagadziko ake panguva iyo aienda kuchibhorani.

Nekushatirwa, Mudhumbu anonzi akabva aenda kumba kwanaNyamunda achibva atanga kunetsana naye nekuda kwenyaya iyi.

“Mudhumbu anonzi akazodzokera kumba kwake. Muzuva rakatevera, Muonei Muyambo akawana mutumbi waNyamuda uri musango chimhambwe chemamita zana kubva pamba pavo. Muonei akazivisa Sabhuku Partson Muyambo vanova vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuChisumbanje Police Station.

“Mapurisa akasvika panzvimbo iyi uye ndokuzosunga Mudhumbu. Mutumbi waNyamunda wakabva waendeswa kumochari yechipatara cheSt Peter’s Mission Hospital kunovhenekwa,” vanodaro Insp Muzondo.

Vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekugadzirisa mataka avo nekurwisana asi kuti vatsvage vanovayananisa semapurisa, masabhuku, mafundisi kana vamwe vechikuru munharaunda dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey