Kwayedza

Afira mushonga wemubobobo

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekwaMakosa, kuMudzi vari kuferefeta nyaya yemumwe murume anonzi akapondwa nemumwe waainwa naye doro pabhawa mushure megakava rekunzi aiva nemushonga wemubobobo waimuita kuti ashinhe nevanhukadzi vemunharaunda vasingazive.

Mhosva iyi inonzi yakaparwa nemusi wa9 Chikunguru zuva rodoka paChikonyora Bottle Store kwaMambo Nyakuchena apo pakafa Johane Jombo (29) wemubhuku raNyamandekwaMambo Chikwizo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii vanoti Zviitei Tsingano (23) anobva munzvimbo imwe chete iyi anonzi ainwa doro naJombo. Panguva iyi vanoti  Tsingano anonzi akatanga kupomera Jombo kuti aiva nemushonga wemubobobo waimuita kuti apote achishinha nemadzimai vasingazive.

“Mashoko aya haana kufadza Jombo zvikaita kuti vaviri ava vatange kurwa apo Zviitei akarohwa kumusana nepuranga. Zviitei paakaona kuti akanga ava kukurirwa, akatora simbi yakatesva ndokubaya Jombo nayo pachidya chekuruboshwe achibva apunzikira pasi ndokutanga kubuda ropa rakawanda,”  vanodaro Insp Chazovachii.

Vanoti vakoma vaviri vaJombo vakazoedza kumuendesa kuchipatara asi akafira mumugwagwa asati asvika kuti asbatsirwe.
“Hama dzemufi uyu, kusanganisa vakoma vake vaviri, vakazotakura mutumbi uyu kuenda nawo kumba kwaZviitei vakanoukanda pamusiwo, nyaya iyi ndokuzomhan’arwa kumapurisa ekwaMakosa, mutumbi ndokuendeswa kuchipatara kunoongororwa.

“Zvichakadai, tiri kutotsvaga Zviitei nemhosva yaari kupomerwa yekuponda,” vanodaro Insp Chazovachii.
Murume uyu anonzi paakangoona kuti aponda munhu, akabva angotiza ndokuenda kusina anoziva.

Insp Chazovachii vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika dzekurwisana uyewo vorega kunwa doro vachitaurirana mashoko anogumbura.

“Ngatikoshesei upenyu hwevanhu torega kurwisana nekupondana uyewo ngatishandisei vatungamiri vematunhu vakaita semasabhuku nemadzishe kugadzirisa matambudziko edu pane kusvika pakurwisana nekupondana,” vanodaro Insp Chazovachii.