Africa fungisisai nezvendufu dzavanhu muMediterranean

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KWASARA masvondo maviri kuti Africa ipembererere kuzvarwa kwesangano reOrginasation of African Unity (OAU) musi wa25 May 1963.

Sangano reOAU mukufamba kwenguva rakazopihwa zita idzva rokuti African Union. Dzokororo ine simba. Takambotaura nezvezuva iri uyewo nokukosha kwaro, tikati sangano reOAU rakaumbwa nevatungamiri makumi matatu vaibva kunyika 32 dzakange dzawana kuzvitonga kuzere.

Ivava ndivo vakaita nhungamiri. Sokutaura kwatakaita svondo rakapfuura, takati mushakabvu Brigadier-General Hashim Mbita vakashanda kwamakore makumi maviri vari munyori mukuru weLiberation Committee yeOAU.

Tanzania yakange yasununguka, Mwalimu Julius Nyerere vachitonga, asi vakaona zvakakosha kutora udzvanyariri hwaive munyika dzakawanda muAfrica, kunyanya kudunhu rekuchamhembe kweAfrica, kuti huve hwavo, kuti vakatanure hama dzavo mudambudziko iri.

Vazhinji nhasi uno tikanzwa zita raBrig-General Mbita tinongoti izita remusojawo zvaro nokuti dambudziko rapinda muAfrica nderokufunga kuti mhiri kwamakungwa ndiko kune upfumi nendaramo iri nani kupinda munyika dzechipikirwa.

Mukwende mumwe ane hama dzakatetereka, dzichisiya mabasa masvinu muZimbabwe nokuti “zvemabearer cheque” zvakange zvisina chimuko. Variko Joni. Pawakasimuka mweya we”xenophobia”, takange togara panhare nemichina yokufambisa mashoko mazuvano. Ukasapindurwa waibatira ura mumawoko wongofunga kuti hazvichadaro zvikanzi havasi kuwanikwa.

Yaive nguva yakaoma, asi zvokuvengana nokupondana kuri kuitwa muSouth Africa ngatimbozvisendeka tibvunzane kuti nhai vehama, asi pane akatoita mhiko kuti kupera kwesvondo kwega-kwega mazana avanhu anofanirwa kupararira mugungwa reMediterranean vachida kuyambuka kuenda kunyika dzokuEurope? Zvinonzi vanenge vachiyambutswa kabisira, vakazadzwa muzvikepe zvasakara. Nhai Africa, saka vana voperera mumvura here? Pane njuzu iri kuzvuva vanhu muMediterranean Sea here svondo rega rega, kunyanya Mugovera neSvondo?

Ndosaka ndaunza nyaya yeAfrica Day pachine nguva. Ngatiibike tione kuti inorevei, uyewo tipabate ipapo pari kuita kuti zvizvarwa zveAfrica zvitize nyika dzavo vachiti ngavasve zvavo vafira mugungwa, vodyiwa nehove nezvimwe zvipuka zvomugungwa. Zvinosuwisa nokuti dai rufu rwaitizwa, dai pasina akamira. Munhu haangozviisi mukanwa mamupere nokuti ari kuda ugaro huri nani. Muimbi, Dr Oliver Mtukudzi vakati, “chipembenene kugara munzeve yomwana, change chawaridza bonde kare kare!”

Ndezvipi zviri kuita kuti vanhu vade kunofira mugungwa reMediterranean? Mabasa kana ugaro hwakanaka hwavari kutsvaga huriko here kuEurope kwacho?

Vari kunyengedzwa nezvavari kuona mumabhaisikopo here, kana kuti vanenge vaenda havatauri chokwadi chizere pamusoro pokurarama muEurope?

Kana kuti vari kukwezvwa nounyiri-nyiri hwavari kuona paInternet? Kuita kwowashaya uku, kutsvaga uta nomugate.

Hezvinoi zvimwe zvinotaurwa nevanoda kuenda, navamwe vakati tave kuenda nevakatoenda kare kare. Zvanzi:

MuAfrica hapana chokugarira, nokuti kunyange ukafunda, unotoita kunge uri kukwezva nhamo. Vamwe vakati ukaona munhu ave kutengesa chese chaainacho zvinoreva kuti aona kuti paari hapana ramangwana.

Pfungwa iyi yakabuda Mukwende ati sei vanhu vachibvisa makutu-kutu emari kuti vaende mhiri? Vamwe vakati kana utori nazvo zvokutengesa, isva watengesa worova pasi, wondzvionera wave mberi.

MuAfrica mabasa ave kunetsa, uyewo hapana mucherechedzo wokuti Africa yose achange atekeshera — mabasa anobhadhara mari svinu zvinoita kuti vokunyika dzemhiri dziri kuendwa vauyewo kuAfrica vachitsvaga mabasa, pane kupamba upfumi. Zvinenge zvave kureva kuti munyika, zvinhu zvinenge zvave kuwanikwa madiro aJojina. Iyi ndiyo mhembwe iri kutandaniswa nevari kunotsvaga ugaro hwakanaka, asi vazhinji vavo vokuNorth Africa vanoshandisa nzira dzokupoya vachiperera muMediterranean Sea.

Africa ngaimuke panyaya.

Zvokuita zvacho zvikasabva muAfrica, zvichabva kupi? Patiri kupembera makore 52 okuzvarwa kweAfrica yakasununguka ngaive nguva yokudzora ndangariro, nokudzivirira dzimwe ndufu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>