Africa kuWorld Cup

17 Nov, 2022 - 11:11 0 Views
Africa kuWorld Cup Sadio Mane

Kwayedza

Abel Ndooka

NEMUSI wesvondo, pasi rose richange rakatarisa apo pachatanga mutambo weFIFA 2022 World Cup uyo uchaona nyika yeQatar, iyo iri kuronga mutambo wegore rino, ichitatsurana neEcuador.

Mutambo weWorld Cup wadzoka gore rino uyo wakapedzisira kuitwa muna2018 kuRussia apo France yakatora mukombe mushure mekukunda Croatia 4-2 mufainari.

France neCroatia zviriko zvekare kumutambo wegore rino kuQatar.

Asi pachatanga mitambo nemusi weSvondo, Africa ichange yakatarisawo nyika dziri kumirira dunhu iri kumutambo uyu dzinoti Senegal, Ghana, Cameroon, Tunisia neMorocco.

Svondo rino, Kwayedza yakaita ongororo yezvikwata zvishanu izvi ichitarisa vatambi vazvo pamwe nemapoka azvakaiswa.

1.Senegal

Chikwata chaAloiu Cisse, icho chinove shasha yemuAfrica pari zvino, ndicho chiri kutarisirwa nevazhinji kuti chinogona kurwisana nezvimwe zvepasi rese zvekutosvika mufainari yegore rino.

Senegal yakakomborerwa nevatambi vane chitsama vane mukurumbira vanotambira nhabvu yavo kuEurope.

MaLions of Teranga ari muboka reGroup A umo achasangana neQatar, Netherlands neEcuador.

Mutambo wekutanga uriko nemusi weMuvhuro apo achasangana neNetherlands, kuchiti wechipiri achasangana neQatar musi wa25 Mbudzi uye wekupedzisira nemusi wa29 Mbudzi neEcuador.

MaLions of Teranga achange achitarira kumutambi wavo ane mukurumbira, Sadio Mane, uyo vari kunamatira kuti ange apora musi weMuvhuro usati wasvika pavachasangana neNertherlands.

Kalidou Koulibaly

Mutambi weBayern Munich uyu akakuvara achitambira chikwata chake chekuGermany asi akadomwa kupinda muchikwata chaCisse icho chine vamwe vatambi vanosanganisira Edouard Mendy weChelsea, Kalidou Koulibaly (Chelsea), Abdou Diallo (RB Leipzig), Idrissa Gueye (Everton) naPape Gueye (Marseille).

2.Tunisia

MaCarthage Eagles ari kunokwikwidza kumutambo weWorld Cup kechitanhatu munhoroondo yawo.

Chimwe chezvikwata zvemuAfrica zvakwanisa kuenda kakawanda kumutambo uyu uye chakasanganiswa vatambi vanotambira kuEurope nevanotambira muAfrica.

Chikwata chaJalel Kadri ichi chiri muboka reGroup D umo chichasangana neDenmark mumutambo wekutanga nemusi wa22 Mbudzi, chozosangana neAustralia nemusi wa26 Mbudzi uye neFrance nemusi wa30 Mbudzi.

Chikwata chaKadri ichi chine vatambi vakaita saWahbi Khazri, Youssef Msanki naHannibal Mejbri weManchester United uyo ari kutambira Birmingham City nechikwereti.

3.Morocco

MaAtlas Lions ari kuenda kuWorld Cup kechitanhatu uye gore rino zvakawanda zviri kutarisirwa kuchikwata ichi icho chizere vatambi vanotambira kuEurope zvakare.

Chikwata chaWalid Regragui ichi chiri muboka rimwe chete neCroatia, Belgium neCanada muGroup F.

Mutambo wacho wekutanga uriko musi wa23 Mbudzi apo chichasangana neCroatia, chozobandana neBelgium musi wa27 Mbudzi uye chichizopedzisira neCanada musi wa1 Zvita.

Hakim Ziyech

Achraf Hakim wePSG, Hakim Ziyech weChelsea nevamwe vatambi vechikwata ichi vane gomo rekukwira kuti vagobuda muboka ravo iri.

4.Cameroon

MaIndomitable Lions ari kuenda kuWorld Cup kechisere gore rino apo achange achirairidzwa naRigobert Song uyo anove shasha kuCameroon sezvo akatomboenda kumutambo uyu achitambira nyika yake.

Muchikwata chake mune vatambi vakaita saVincent Aboubakar (Al Nassr), Christian Bassogog (Shangai Shenhua), Eric-Maxim Choupo Moting (Bayern Munich) naAndre Onana (Inter Milan) vanotambira kuEurope.

Vincent Aboubakar

Cameroon iri muboka rimwe chete neBrazil, Switzerland neSerbia muGroup G. Mutambo weCameroon wekutanga ichasangana neSwitzerland musi wa24 Mbudzi, yozotamba neSerbia musi wa28 Mbudzi.

Mutambo wekupedzisira muboka iri ichasangana neBrazil musi wa2 Zvita apo vachatatsurana neshasha dzakaita saNeymar Junior, Gabriel Jesus, Vinicius Jnr naCasemiro.

5.Ghana

MaBlack Stars ari kuenda kuWorld Cup kechina munhoroondo yawo uye gore rino akaiswa muboka rine zvikwata zvinoti Portugal, Korea Republic neUruguay muGroup H.

Chikwata chemaBlack Stars chizerewo nevatambi vanotambira kuEurope vakaita saThomas Partey weArsenal, Jordan Ayew (Crystal Palace), Tariq Lamptey (Brighton & Hove Albion) naInaki Williams (Athletic Bilbao).

Thomas Partey

Chikwata chaOtto Oddo mutambo wacho wekutanga uriko musi wa24 Mbudzi apo chichabandana nePortugal yaCristiano Ronaldo, chozosangana neKorea Republic musi wa28 Mbudzi uye mutambo wekupedzisira muboka iri chichasangana neUrugual musi wa2 Zvita.

Mutambo wavo neUrugual unotarisirwa kunakidza zvikuru sezvo zvikwata zviviri izvi zvakambosangana muquarter-final yeWorld Cup ya2010 apo Luis Suarez akabata bhora akatadzisa Ghana kunwisa kuti ifambire mberi kupinda musemi-final.

Ghana yakazopihwa pena asi aive kaputeni wechikwata ichi, Asamoah Gyan, akaibhururutsa mutambo uyu ukapera uri mangange 1-1 apo Ghana yakazoburitswa kumapena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey