Agrifoods yosimudzira varimi

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
Agrifoods yosimudzira varimi

Kwayedza

Abel Ndooka
KAMBANI huru munyaya dzekugadzira chikafu chezvipfuyo munyika muno yeAgrifoods inoti iri kutsigira varimi zvikuru kuburikidza nekutenga soya bhinzi dzavanorima ichidzishandisa mukugadzira chikafu chezvipfuyo chakasiyana.

VaLuke Mutemeri – avo vanove sales and marketing manager kuAgrifoods – vanoti sekambani donzvo ravo nderekusimudzira varimi nekuvatengera soya bhinzi kuitira kuti vawane pundutso mumabasa avo vagokwanisa kuraramisa mhuri dzavo.

“Isu varimi vemuno ndiwo musimboti wezvese uye zvirimwa zvavo tinozvikoshesa ndiko kusaka tiri kutenga zvavanorima nechinangwa chekuvasimudzira.

“Isu tinotenga zvinorimwa muno kuti mari irambe ichitenderera varimi vedu vagare vachifara nekuti tikatenga muno hapana mari inenge ichibuda kunze kwenyika,” vanodaro VaMutemeri.

Vanoti chikafu chavanogadzira chezvipfuyo  chakanakira zvipfuyo zvikuru sezvo chisina zvimwe zvakawedzerwa (GMOs).

“Chikafu chemuno chakanakira kuti hachina zvakawanda zvinenge zvakawedzerwa imomo zvakaita semaGMOs ayo anokodza zvipfuyo, kana chikafu chacho hachizombonake,” vanodaro.

VaMutemeri vanoti vari kushanda pamwechete nekambani yeFarm & City inove ndiyo iri kutenga soya bhinzi kubva kuvarimi.

“Takaita hurongwa neFarm & City kuti ititengere soya bhinzi idzi kubva kuvarimi. Varimi tiri kuvafambira, kuvarakidza kuti vakatikoshera,” vanodaro.

Agrifoods ine mukurumbira wekugadzira chikafu chezvipfuyo zvakasiyana zvinosanganisira mombe, nguruve, huku nembudzi.

Share This:

Sponsored Links