Uncategorized

Akabairwa nebanga $5

17 Apr, 2019 - 17:04 0 Views
Akabairwa nebanga $5

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuChitungwiza wekubatwa nemhosva mudare yekubaya munhu nebanga paruwoko nepachipfuva nekuda kweRTGS$5 yemanyepo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore manomwe.

Paradzai Ntshangase (38) akamiswa pamberi pamutongi Estere Chivasa wedare reChitungwiza Magistrate Court ndokubatwa nemhosva yekubaya William Ruswa nebanga.

Mutongi Chivasa akabvisira musungwa uyu makore maviri pachirango chaakamutemera ichi paine chitsidzo chekuti haapari mhosva yerudzi urwuzvakare mumakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Tendai Mukaririri akaudza dare kuti nomusi wa25 Zvita gore rapera munguva dzemanheru, vaviri ava vaive paPadare Snooker pedyo neZengeza 4 Shops apo Ruswa akaenda kuna Moses Majero uyo akanga ari kunetsana nekasitoma yake yakangozivikanwa saLevi mudare.

Majero akabva ataurira Ruswa kuti ainge apihwa RTGS$5 yemanyepo saka aida mari yake.

Ntshangase akabva apindira nyaya iyi achipikisana naRuswa achibva amubaya nebanga kaviri paruwoko rwekuruboshwe nepachipfuva.

Akaita maronda akadzika uye akanorapwa kuchipatara nokudaro magwaro ekwachiremba akaburitswa mudare seumbowo.

Ruswa akabva aenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuZengeza Police Station zvikaita kuti Ntshangase asungwe.

Share This:

Sponsored Links