Akabaiwa nebanga mumunda wechibage

24 Apr, 2023 - 16:04 0 Views
Akabaiwa nebanga mumunda wechibage Asst Insp Dzvova

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME anogara kuHillside, muguta reHarare, akaitwa kafiramberi mushure mekubaiwa nebanga paruoko, pahuro nepagumbo ndokuzobirwa mari nemidziyo zvose zvinokosha US$1 200 nembavha dzakamuhwandira muchibage apo aifamba nekanzira kekudimbudzira kuenda kumba.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa14 Kubvumbi munguva dzemanheru apo Kumbirai Nhiwahwa (31) aienda kumba kwake.

Vanoti apo Nhiwahwa akanga achifamba ari munaByron Way, kuHillside, vamwe varume vaviri vasati vazivikanwa vakangobuda nemumunda wechibage ndokutanga kumuvharira nzira.

“Mumwe wevarume ava akabva amubata pahuro panguva iyo mumwe wake akanga aburitsa banga. Akabva atanga kumubaya nebanga paruoko kamwe chete, ndokuzomubaya kakawanda pahuro nepagumbo rekurudyi.

“Mushure mezvo, vakamubira nharembozha yake yerudzi rweiPhone 5x, HP Laptop neUS$280 vachibva vatizira muchibage,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanoti makororo maviri aya haasati abatwa uye vanokumbira kune veruzhinji vane ruzivo nezvawo kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

“Mumhan’ari akaita maronda akadzika pahuro nepagumbo rekurudyi achibva aendeswa kuParirenyatwa Group of Hospitals kunorapwa uye nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa eZRP Rhodesville ikavhurirwa dhoketi rine nhamba dzinoti RRB 5436467,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Mune imwewo nyaya inodyidzana neiyi, nemusi wa20 Kubvumbi nenguva dza8:40 manheru, mumhan’ari anonzi Bridget Nakakwilo (35) wekuQueensdale, muHarare, anonzi akakwira motokati yeruvara rweblue, iyo yaasina kutora nhamba dzayo, achibva kunaFourth Street, muguta achienda kumba kwake.

Assistant Insp Dzvova vanoti pavakanga vava mumugwagwa Chiremba Road, mumwe wevarume vaive mumotokari iyi akamanikidzira mumhan’ari kuti amupe zvose zvinokosha zvaaive nazvo.

“Nakakwilo akabva amupa nharembozha yake yerudzi rweVivo uye US$46. Vakabva vamusairira panze pemotokari ndokutiza. Akabva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuRhodesville ikavhurirwa dhoketi rine nhamba dzinoti RRB 546469,” vanodaro.

Asst Insp Dzvova vanoyambira vanhu kuti vasakwire motokari dzose-dzose asi kuti vakwire mabhazi anotakura veruzhinji kuti vange vakachengetedzeka.

“Kashoma kuti vanhu vapondwe, kubirwa kana kumbunyikidzwa kana vari mumabhazi everuzhinji. Vakawanda vari kurasikirwa nemidziyo inokosha nekuda kwemakororo ari kushandisa nzira dzimwe chete idzi dzekunyepera kunge vanotakura vanhu nedzimotokari dzavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey